Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chitatu Gumiguru 26, 2016


Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa opomerwa mhosva yekubata bata nhengo dzeMDC dzechidzimai mudare reparamende.

Pamusangano waitwa kwaMutoko nekomiti yeparamende inoona nezvemitemo, panoita kukandirana makobvu nematete pakati penhengo dzeMDC neZanu-PF panyaya yekuvandudza mitemo yesarudzo.

World Bank inoti kuita mabhizimisi muZimbabwe kuri kuramba kuchinetsa uye yaisa Zimbabwe pachidanho chezana nemakumi matanhatu nechimwe kubva pazana nemakumi mashanu nemanomwe gore rapera.

Vechidiki veZanu-PF varonga kuratidzira vachiti havasi kufara nekushaiswa mabasa kuminda yeMangoda.

Vakwegura vanoti hupenyu huri kuvaomera zvakanyanya nenyaya yehupfumi husina kumira zvakanaka.

Tine hurukuro nemumwe musikana wechidiki uyo akawana ruremekedzo kubva kuMTV yekuSouth Africa nebasa raarikuita mukurwisa kuroodzwa kwevanasikana vasati vabvazera.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-The Diaspora Forum na8; 00 pm tiri kutarisa matambudziko arikutarisana nemizinda yeZimbabwe iri kunze kwenyika uko vamwe vari kuendeswa kumatare pamusoro pekutadza kubhandara nzvimbo dzavanoshandaira nekugara. Tichataura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zviri kusangana nematambudziko api nekusafamba zvakanaka kuri kuita zvinhu munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chitatu Gumiguru 26, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG