Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, China Gumiguru 20, 2016.


Nhau DzeShona Studio7

Zvizvarwa zveZimbabwe zvotaura maonero azvo pamusoro pegakava rakaitwa nezuro usiku muAmerica pakati paVaDonald Trump veRepublican Party naAmai Hillary Clinton veDemocratic Party pamberi pesarudzo dzekutsvaga mutungamiri weAmerica.

Mutewedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa votaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dze bye-election muNorton neMugovera.

Vamwe vagari wemuWard 12 kuMatobo District vanowana mukana wekusangana nevamwe vevatambi venhabvu vakaita mukurumbira nechikwata cheHighlanders Football Club, pasi pechirongwa chesangano rinoshanda rakazvimirira rega reHabbakuk Trust.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinobva kumakereke akasiyana-siyana zviri muD.C, Maryland, West Virginia neVirginia muno muAmerica zvoungana neMugovera kuGathersburg, muMaryland zvichinamata zvakabatana pasi peRumutsiridzo kana kuti Revival.

Muchirongwa chedu che LiveTalk Women’s RoundTable, nhasi tiri kutarisa nezvematambudziko akataisana nemadzimai ekumaruwa, apo pasi rose neMugovera wapera rakarangarira zuva remadzimai ekumaruwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE pa VOA Shona.

Misoro yeNhau Dzanhasi China Gumiguru 20, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG