Accessibility links

Breaking News

Muzvare Lynda Masarira Voburitswa muChipatara


Muzvare Lynda Masarira murwiri wekodzero dzevanhu.
Muzvare Lynda Masarira murwiri wekodzero dzevanhu.

Murwiri wekodzero dzevanhu Muzvare Lynda Masarira vanoti vakaburitswa muchipatara nemusi weMuvhuro uye vave kutotarisira kutangazve kuratidzira kuti munyika muite shanduko.

Muzvare Masarira vanoti vakange vabatwa nechirwere chechipfuva mushure mekubuda muhusungwa kubva kujeri reChikurubi izvo zvakazoita kuti vambogara muchipatara vachiwana rubatsiro kubva kuna vanamazvikokota.

"Ndiri kufara nekubuda kwandaita muchipatara. Pari zvino ndiri kunzwa ndakasimba senjanji uye ndave kutogadzirira kuti nditangezve kuratidzira," Muzvare Masarira vaudza Studio 7.

Muzvare Masarira vakurudzira vasikana vechidiki kuti vangwarire kunyengerwa vachityora mitemo sezvavakawona kuChikurubi uko vakasangana nevamwe vasikana vechidiki vange vasungwa mushure mekubatsira mbavha kuba motokori nezvimwewo.

Muzvare Masarira vanoti vataura izvi pazuva apo pasi rose riri kucherechedza zuva rekuchengetedzwa kwekodzero dzevanasikana.

"Dai zvaibvira vasikana vechidiki vambomira kunyengerwa nevanotyora mitemo munyika kuitira kuti vamboenda kuchikoro nekubata mabasa epamusoro," Muzvare Masarira vaudza Studio 7.

Vati shuwiro yavo ndeyekuti kodzero dzemwanasikana dziremekedzwe uye vawanikwe vachipihwa mikana yakayenzana.

Hurukuro NaMuzvare Lynda Masarira
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG