Murwiri wekodzero dzevanhu Dr Patson Dzamara vanoti vachasimuka munyika vakananga kuBrussels kuBelgium kumuzinda we European Union neMugovera uko vakakokwa kuti vape pfungwa dzavo nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Dr Dzamara vanoti vari kufara nekukokwa kwavakaitwa uku sezvo kuchapa nyika dziri mu European Union mukana wekunzwa matambudziko akatarisana nevana veZimbabwe pasi pehurumende yaVaRobert Mugabe.
Dr Dzamara svondo rapera vakarambidzwa kupinda muparamende umo vaida kuti varatidzire kusafara kwavo nekunyangadika kwakaita mukoma wavo VaItai Dzamara vanofungidzirwa kuti akapambwa nevasori.
Dr Dzamara vanoti zvakakosha kuti nyika dzemu European Union nedzimwe dzakabudirira dzirambe dzichinzwa nezvematambudziko akatarisana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika nekunze.
"Shuwiro yangu ndeyekuti nyika idzi dzisakanganwe pamusoro pekutambura kuri kuita mhuri yeZimbabwe pasi pemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nehurumende yavo avo vanoramba vachimbunyikidza kodzero dzevanhu, nekuenderera mberi nehuwori izvo zviri kuita kuti hupfumi hwenyika hurambe huchienda kumawere, vanhu vachiramba vachitambura," Dr Dzamara vaudza Studio 7.