MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inobatana mukuchema nhengo dzayo mbiri dzakafa mutsaona nezuro manheru VaPaul Rukanda naVaTafadzwa Mhundwa. Tsaona iyi yakakuvadzawo mumiriri weGlen View South muparamende Amai Vimbai Tsvangirai Java pamwe nesachigaro wemadzimai ebato muHarare West Amai Muringani
Hurumende nhasi yoburitsa hurongwa huzere hwekudzimira vanhu nemaindustry magetsi ichiti mvura yadzikira kuKariba uye marasha ave mashoma kuHwange.
Dambudziko remafuta ekufambisa dzimotokari roramba richinetsa munyika kunyange hazvo gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, vari kuti munyika mune peturu yakawanda.
Nyanzvi munyaya dzemitemo nezvematongerwo enyika dzopesana pane zvinoreva mutongo wakatarirwa bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, iro rinonzi nevakawanda ratarisana nenguva yakaoma zvichitevera mutongo wedare uyu usiri kucherechedza VaChamisa semutungamiri webato iri.
Dare repamusoro reHigh Court nhasi rapa mutongo wekuti kudomwa kwemutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa kwaisava pamutemo uye sarudzo dzeExta-ordinaary Congress dzinofanira kuitwa mukati megore.
Mamwe makorokoza achipinda mumugodhi uri pedyo neNugget Mine kuti vaone kuti mune vanhu vachirimo here. Mitumbi mishanu yakaburitswa mumugodhi uyu nemusi weMuvhuro mushure mekunge wadhirikira vanhu vachichera vari mukati. Nyaya ina Taurai Shava.
Gurukota rezvekuuritswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti hurumende inokoshesa basa rinoitwa nevatori venhau uye iri kuvandudza mitemo kuti vashande vakasungunuka.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voenda kuBotswana kunosangana nevatungamiri vedzimwe nyika dzemuSADC kuti vazeye nyaya yekutengeswa kwenyanga dzenzou.
Vatori venhau veStudio 7 vokorokotedza vatori venhau vachishandisa mitauro yakasiyana siyana ino shandiswa nenhepfenyuro iyi. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa votaura nemadzishe kuManicaland nenyaya yekuti vamwe vanhu vakawirwa nedambudziko recyclone Idai vatamiswe asi vamwe vachigunun’una kuti havazowane muripo kubva kuhurumende.
Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rinocherechedza zuva revashandi pasi rose kuDzivaresekwa muHarare nedzimwe nzvimbo munyika yose veruzhinji vachiti vari kuomerwa nehupenyu.
Svondo rino Studio7 ichange ichatarisa zvakadzama zvinoreva zuva re World Press Freedom Day, iro riri kucherechedzwa svondo rino nemusi weChishanu.
Poita mutauro wakanyanya munyika panyaya yekufukunura kwevamwe vanhu vakaurayiwa munguva yeGukurahundi kuMatabeleland.
Mutungamiri weUganda, VaYoweri Museveni, vanovhura zviri pamutemo chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair muBulawayo vachikurudzira nyika dzekumadokero kuti dzibvise zvirango zvadzakatemera Zimbabwe.
Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva reMalaria pasi rose hurumende ichiti huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi hwaderera nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana, asi vakawanda vachibatwa nechirwere ichi kuManicaland, uko kwakavhiringwa nedutumupengo nemafashamu eCyclone Idai.
Mutevedzeri wemutungamiri wekambani ye US Africa Cybersecurity, uye vari mudzimai wemumiriri weZimbabwe mu America amai Priscilla Mutembwa, vari kukurudzira vabereki kuti vakoshese uye kukurudzira vana vachiri vadiki zvikuru vanasikana kuti vafarire zvidzidzo zve science technology ne mathematics.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoshoropodza zvikuru mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nekukoka kwavakaita mutungamiri weUganda, Va Yoweri Museveni, kuti vazovhura chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair chegore rino. V
Mukuru wesangano re Platform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti vari kufara zvikuru nemafambiro akaita munamato wakaitwa nemubatanidzwa wemakereke akasiyina siyina emudunhu ravo wekunamatira vakawirwa nedambudziko redutumupengo Cyclone Idai.
Hurongwa hweZimbabwe International Trade Fair hwegore rino hunotanga zviri pamutemo makambani akawanda achiratidza zvigadzirwa zvawo.
Vanhu gumi nemumwe voshaya munjodzi yekubonderana kwekombi nemotokari yemhando yeHonda Fit, kuHeadlands pedyo neMarondera. Vanhue vange vari mukombi ndevekereke yeSungano yeVapositori vanobva kuKarimbika kuUzumba Marambapfungwe.
Rodhai zvimwe