Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voenda kuBotswana kunosangana nevatungamiri vedzimwe nyika dzemuSADC kuti vazeye nyaya yekutengeswa kwenyanga dzenzou.
Vamwe vana vakasungwa nezuro kuBulawayo vachiita machikichori anofungidzirwa kuti anenge achiitwa zvekudhakwa nechipfambi kana kuti vuzu vomiswa pamberi pedare nhasi.
POTRAZ yotaura nezvekuwedzerwa kwemitengo yenharembozha kana kuti mobile data kudare reparamende
Munhau dzemitambo, Dynamos inokunda mumutambo weCastle Premier Soccer League asi Highlanders inoramba ichitatarika.
Muchirongwa cheLivetalk na8pm nhasi tiri kutarisa nyaya yekuvhurwa kwezvikoro mangwana
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Facebook Forum