Accessibility links

Breaking News

Studio7 Yotarisa Zvakadzama Zvinoreva Zuva reWorld Press Freedom Day


Svondo rino Studio7 ichange ichatarisa zvakadzama zvinoreva zuva re World Press Freedom Day, iro riri kucherechedzwa svondo rino nemusi weChishanu.

Tichange tichitarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzekutorwa nekuburitswa kwenhau, matambudziko anosangana nevatori venhau mukuita basa ravo, pamwe nezvingaitwe nehurumende kuitira kuti kufambiswa kwemashoko kunge kwakanakira munhu wese.

Dingindiri regore rino rinoti “nhau dzejekerere nekuitwa kwesarudzo munguva dzino dzave kuburiswa mashoko emanyepo.”

Sachigaro vesangano re Media Institute of Southern Africa - Zimbabwe, MISA - Zimbabwe, Va Golden Maunganidze, vanoti vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vadzidziswe kuti pane nemutsauko mukuru pakati penhau dzechokwadi nedzemanyepo.

VaMaunganidza vanoti zuva reWorld Press Freedom Day rinoyeuchidzawo veruzhinji pamwe nedzihurumende kukosha kwakaita basa rinoitwa nevatori venhau pasi rose.

VaMaunganidze vanoti kuti veruzhinji vazive zviri kuitika munyika, panofanirwa kunge paine vatori venhau vanoita basa ravo nemazvo vasina divi ravakarerekera.

Vatiwo zvakakosha kuti vatori venhau vashande vakasununguka vasingatye kusungwa sezvo basa ravo richikurudzira kubudiswa pachena kwezvinenge zvichiitika munyika izvo zvinoumba hutongo hwejechetere.

Asi VaMaunganidze vanoti vanoshushikana zvikuru nekuburitswa kwenhau dzemanyepo, kana kuburitsa nhau dzisingaratidze chokwadi chiri kuitika munyika.

Vatiwo munguva dzesarudzo, basa revatori venhau rakakosha zvikuru sezvo zvavanoburitsa munhau dzavo zvichipa veruzhinji mukana wekuziva chokwadi chinenge chichibuda musarudzo dzinenge dzichiitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG