Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 25, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva reMalaria pasi rose hurumende ichiti huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi hwaderera nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana, asi vakawanda vachibatwa nechirwere ichi kuManicaland, uko kwakavhiringwa nedutumupengo nemafashamu eCyclone Idai..

Mutungamiri weUganda, VaYoweri Museveni, vopinda munyika kuitira kuti vazovhure zviri pamutemo musika wekutengeserana weZimbabwe International Trade Fair muBulawayo mangwana.

Vagari vekuChimanimani neChipinge vakavhiringwa nemafashamu eCyclone Idai vochema chema kuhurumende kuti vatsvagirwe pekugara patsva pane kuti varambe vakagara mumakamba avari pari zvino.

Rimwe dutumupengo reTropical Cyclone Kenneth rinorova zvakare Mozambique, Tanzania neComoros, paine kutyirwa kuti rinogona kubata dzimwe nzvimbo muZimbabwe. Asi mapazi ehurumende eMeteorological Service Department neCivil Protection Unit achipa maonero akasiyana.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai pazuva rekucherechedza chirwere cheMalaria pasi rose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG