Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vokurudzirwa Vakoshese Zvidzidzo zve Science, Technology neMathematics


Mrs Priscilla Mutembwa
Mrs Priscilla Mutembwa

Mutevedzeri wemutungamiri wekambani ye US Africa Cybersecurity, Amai Priscilla Mutembwa, vari kukurudzira vabereki kuti vakoshese uye kukurudzira vana vachiri vadiki, zvikuru vanasikana kuti vafarire zvidzidzo zve Science, Technology ne Mathematics (STEM) sezvo kune madzimai mashoma ari kuita mabasa ane chekuita nezvidzidzo izvi.

Amai Mutembwa vakapa kurudziro iyi pamusangano wakarongwa nameya weguta reWashington DC, Amai Muriel Bowser, Muvhuro manheru mugata iri. Vamwe vanyarikani vange vakamirira Amai Bowser vakaudza musangano uyu kuti guta reWashington DC riri mushishi mekuyedza kuwedzera huwandu hweavo vanoita mabasa anoita neSTEM nyaya madzimai uye vari kuda kuwedzera zvirongwa zvinokurudzira zvidzidzo izvi.

Amai Mutembwa vanoti zvakakosha kuti vanhu varemekedze kuchengetedzwa kwezvavano buritsa padandemutanda izvo zvinoitwa pasi pechirongwa che Cyber security sezvo vanhu vazhinji vavekugara vari pamafoni nemacomputer izvo zvinozokwanisa kuti vabirwe zvinechekuita nehupenyu hwavo kana zvisina kuchengetedzwa.

"Vazhinji vanoshandisa nhare mbozha kutumira mari nekuwana mari nezvimwewo vachishandisa technology iyo inofanirwa kunge yakachengetedzwa kuitira kuti makoronyera asazoba zvinechekuita nevanenge vachishandisa nhare kana macomputers kana akadzivirirwa necyber security," Amai Mutembwa vakaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weVOA.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG