Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 24, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoshoropodza zvikuru mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nekukoka kwavakaita mutungamiri weUganda, Va Yoweri Museveni, kuti vazovhura chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair chegore rino. VaChamisa vatorawo mukana uyu kuramba mashoko ari kutenderera ekuti vari kudyidzana nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBurundi, VaEzechiel Mbigira, vanovezve nhumwa yemutungamiri wenyika iyi, VaPierre Nkurunzinza, vaita hurukuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kumahofisi avo muHarare vachida rutsigiro rwekuti nyika yavo ibvumidzwe kuva nhengo yenyika dzekuchamhembe kweAfrica, SADC.

Chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair chinoenderera mberi muBulawayo vemabhizinesi vachita hurukuro pamusoro pezvavangaite mukusimudzira mabhizinesi avo.

Dutumupengo reTropical Cyclone Kenneth rotarisirwa kurova zvakare nyika nhatu dzinoti Mozambique, Tanzania neComoros. Izvi zvinoitika panguva iyo misodzi ichiri pamatama muMozambique neZimbabwe zvichitevera kurohwa kwakaitwa nyika idzi nedutumupengo reCyclone Idai iro rakasiya mazana nemazana evanhu vafa, uye zviuru nezviuru vasisina dzimba, zvikoro, zvipatara nemigwagwa.

Muchirongwa cheLiveTalk 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG