Vanhu gumi nemumwe voshaya munjodzi yekubonderana kwekombi nemotokari yemhando yeHonda Fit, kuHeadlands pedyo neMarondera. Vanhu vange vari mukombi ndevekereke yeSungano yeVapositori vanobva kuKarimbika kuUzumba Marambapfungwe.
Hurumende navemasangano ekunze kusanganisa United Nations osimbaradza zvirongwa zvekuti zvirwere zvakaita semalaria necholera zvisapararire kuChimanimani neChipinge kwakawirwa nedambudziko recyclone Idai.
Zimbabwe International Trade Fair yotanga mangwana muBulawayo.
Tichakupai zvichabuda mumitambo yenhabvu yeCastle Premier Soccer league iri kutambwa nhasi.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tichange tichitarisa mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi kana matongerwo enyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short.
Facebook Forum