Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi 29, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Poita mutauro wakanyanya munyika panyaya yekufukunura kwevamwe vanhu vakaurayiwa munguva yeGukurahundi kuMatabeleland.

Mabharani mukuru wehurumende oramba kuti magwarao ekufambisa akawedzerwa mutengo uye achiti hofisi yake yatanga kudhinda magwaro aya mushure mekunge michina yainge yafa yagadziriswa.

Vanhu vochema chema nemitengo yezvinhu iri kuramba ichiwedzerwa.

Kudomwa kwevamwe vanhu pazvigaro mubato reMDC kokonzera mutauro.

Muchirongwa cheLiveTalk 8pm tiri kutarisa kufukunurwa kwevamwe vanhu vakafa munguva yeGukurahundi nemutauro wamuka nenyaya iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG