Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Chivabvu, 13, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Hurumende nhasi yoburitsa hurongwa huzere hwekudzimira vanhu nemaindustry magetsi ichiti mvura yadzikira kuKariba uye marasha ave mashoma kuHwange.

Dare reparamende ronyunyuta nenyaya yasachigaro webhodhi reZINARA auya kudare iri achiti haana kuverenga gwaro rakaburitswa nehofisi yevanoona nezvekufambiswa kwemari kana kuti auditor General iyo yakaburitsa huori hunotyisa mukambani iyi hwapa kuti vakawanda vasungwe kana kumiswa basa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vovhura zviri pamutemo dare rinotonga nyaya dzevashandi kana kuti Labour Court.

Madzimai anotamba cricket obudirira kuenda muchikamu chepamusoro cheICC World Cup mushure mekukunda Namibia nemaruns makumi mashanu.

Muchirongwa cheLivetalk na8pm nhasi yekunetsa kwemagetsi nemafuta ekufambisa dzimotokari nematambudziko azviri kukonzera.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG