Mukuru wesangano re Platform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti vari kufara zvikuru nemafambiro akaita munamato wakaitwa nemubatanidzwa wemakereke akasiyina siyina emudunhu ravo wekunamatira vakawirwa nedambudziko redutumupengo Cyclone Idai.
Munamato uyu wakaitirwa paChecheche business center kuManicaland nemusi weMugovera.
VaMadhuku vanoti sangano ravo pari zvino riri kushanda nemamwe masangano akazvimirira mukuwona kuti rubatsiro rwuri kupihwa vakawirwa nedambudziko iri, rwuri kufambiswa nemazvo uye rwuri kusvika kwarwunofanirwa kusvika.
"Pari zvino tiri mubishi rekushanyira nzvimbo dzakawirwa nedambudziko iri tichinyora zvatiri kuwona uye kuti rubatsiro rwuri kusvika kune vanofanirwa kunge vachirwuwana," Va Madhuku vaudza Studio7.
Dutumupengo reCyclone Idai rakasiya ravhiringwa hupenyu hwevanhu vakawanda avo vari kuda rubatsiro.
Zviuru nezviuru zvevanhu zvakaparadzirwa misha, uye vanhu vanodarika mazana matatu vakafa mutsaona yedutumupengo iri.
Facebook Forum