Accessibility links

Breaking News

Cyclone Idai

Hurumende Yokundikana Kutengera Vashandi vemuZvipatara Zvinodzivirira Covid-19

Mutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanoti chimwe chave kupa kuti chirwere checoronavirus chipararire zvakanyanya munyika inyaya yekuti vakoti navanachiremba havana zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kutapurirwa chirwere ichi kana kuti maPPE.

VaDongo vanoti vave nenguva yakareba vachikumbira kuti vawane zvikwanisiro zviri kukona n’anga murapwa achida.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Kubva zvakatanga kupararira chirwere ichi munyika muna Kurume, vashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navanachiremba vabatwa nechirwere ichi vadarika mazana matau nemakumi maviri nevatatu.

Vakoti vanoti zvekupfeka vave kutozviona kumarinda eHeroes Acre sepakashaya gamba renyika VaPerrance Shiri avo vakaradzikwa nemusi weChina.

Sangano rePlatform for Development Roshanda Mukubatsira Vakawirwa neDutumupengo reCyclone Idai

Cyclone Idai
Cyclone Idai

Mukuru wesangano re Platform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti vari kufara zvikuru nemafambiro akaita munamato wakaitwa nemubatanidzwa wemakereke akasiyina siyina emudunhu ravo wekunamatira vakawirwa nedambudziko redutumupengo Cyclone Idai.

Munamato uyu wakaitirwa paChecheche business center kuManicaland nemusi weMugovera.

CYCLONE IDAI Salvation Army Prayer
CYCLONE IDAI Salvation Army Prayer

VaMadhuku vanoti sangano ravo pari zvino riri kushanda nemamwe masangano akazvimirira mukuwona kuti rubatsiro rwuri kupihwa vakawirwa nedambudziko iri, rwuri kufambiswa nemazvo uye rwuri kusvika kwarwunofanirwa kusvika.

"Pari zvino tiri mubishi rekushanyira nzvimbo dzakawirwa nedambudziko iri tichinyora zvatiri kuwona uye kuti rubatsiro rwuri kusvika kune vanofanirwa kunge vachirwuwana," Va Madhuku vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dutumupengo reCyclone Idai rakasiya ravhiringwa hupenyu hwevanhu vakawanda avo vari kuda rubatsiro.

Zviuru nezviuru zvevanhu zvakaparadzirwa misha, uye vanhu vanodarika mazana matatu vakafa mutsaona yedutumupengo iri.

Hurukuro naVaJoel Dhumakwezu

Hurukuro naVaJoel Dhumakwezu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe Vagari veKuChimanimani Vonyunyuta neMafambisirwo Avanoti Ari Kuitwa Rubatsiro rweCyclone Idai

Vanhu vakavhiringidzwa nedutumupengo Cyclone Idai vakamirira kupiwa rubatsiro kuChimanimani, Manicaland.
Vanhu vakavhiringidzwa nedutumupengo Cyclone Idai vakamirira kupiwa rubatsiro kuChimanimani, Manicaland.

Vamwe vagari vekwaMutsvangwa, kudunhu reChimanimani, kuManicaland, vanoti havasi kunzwisisa mafambisirwo ari kuitwa rubatsiro rwuri kupiwa vanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai.

Kanzura we Wadhi 23, VaJoel Dhumakwezu, vanoti svondo rino mabhuku matatu chete kubva mumabhuku masere ari mu wadhi mavo ndiwo akashevedzwa kunotora chikafu chaigoverwa paDzingire.

VaDhumakwezu vanoti ivo sakanzura havana kana kumboziviswa nezvekugoverwa kwechikafu uku, uye vanoti vari kugovera chikafu ava vari kushanda nemunhu akakundwa kusarudzo dzemakanzuru, panzvimbo yekushanda naivo vakahwinha.

Vanotiwo havaoni vagari vemudunhu ravo vachibvuma kuzobviswa vachinogariswa kumwe zvichitevera kukanganiswa kwakaitwa minda nemisha yavo neCyclone Idai.

VaDhumakwezu vanoti mararamiro avo vagari vari kushandisa mvura yesango mukudiridzira minda nemapindu avo, izvo zviri kuita kuti vakwanise kuendesa vana kuchikoro nekurarama zuva nezuva.

Hurukuro naVaJoel Dhumakwezu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masangano eVarairidzi Oshanyira Zvikoro Zvakakanganiswa neCyclone Idai

Zvikoro nedzimba dzakawanda zvakaparadzwa nedutumupengo reCyclone Idai kuChimanimani neChipinge.
Zvikoro nedzimba dzakawanda zvakaparadzwa nedutumupengo reCyclone Idai kuChimanimani neChipinge.

Hutungamiri hwemasangano evarairidzi anoti Progressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, neZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, huri kushanya kumatunhu eChimanimani neChipinge huchiongorora kuparadzwa kwakaitwa zvikoro neCyclone Idai, pamwe nekunzwa matambudziko akatarisana nevarairidzi nevana vechikoro.

Munyori wesangano rePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti chikuru chavari kunyanyotarisisa ndechekuti zvinokodzera here zvikoro zvivhurwe mwedzi unouya, sezviri kurongwa nehurumende, kana kuti zvononoka kuvhurwa kuitira kuti zvitange zvagadziriswa.

Asi VaMajongwe vanoti zvavaona muzvikoro zvisere zvavakwanisa kushanyira nhasi zvinoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuvarairidzi nevana vechikoro vese, sezvo vakasangana nematambudziko anonetsa kukanganwa nekukasika.

VaMajongwe vaudza Studio 7 kuti zvavari kuwana mumazuva matatu avachange vari mudunhu iri vachazozviendesa kubazi redzidzo kuti zviongororwe nekugadziriswa.

Hurukuro naVaRaymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mukuru wesangano reZimta mudunhu reManicaland, VaKudakwashe Edius Mbaura, vanotiwo varairidzi havana kugadzikana nekuda kwekurasikirwa nevana vavaidzidzisa.

Vanotiwo chimwe chiri kuitika ndechekuti varairidzi vari kukundikana kuwana rubatsiro rwechikafu rwuri kupiwa vanhu vachinzi havana mabhuku avagere.

VaMbaura vanotiwo dai zvaibvira varairidzi vapiwa rubatsiro rwechikafu pavo voga, kwete kuti vatsikirane nevabereki pamwe nevana vavanodzidzisa, sezvo izvi zvichidzikisa chiremerera chavo.

Hurukuro naVaKudakwashe Edius Mbaura
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bhendi reMapurisa Richifadza Vakuru Vakuru veMakambani kuState House

Bhendi reMapurisa Richifadza Vakuru Vakuru veMakambani kuState House
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:04 0:00

Police Band yafadza vanhu vaungana kuState House uko mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vakumbira vemabhizimusi kuti vabatsire nekuvaka zvikoro, zvimbuzi, dzimba, makiriniki nemigwagwa izvo zvakaparadzwa nemafashamu eCyclone Idai kuManicaland.

VaMnangagwa Vokumbira Rubatsiro rweKuvaka Zvivakwa Zvakaparadzwa neCyclone Idai

VaMnangagwa Vokumbira Rubatsiro rweKuvaka Zvivakwa Zvakaparadzwa neCyclone Idai
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:21 0:00

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangangwa, vachitaura nevatori venhau pahurongwa hwaitirwa kuState House.

Chimanimani Hotel Ichiri Kubatsira Vakawirwa neDambudziko reCyclone Idai

Vanhu vanosvika mazana mashanu vakapotera paChimanimani Hotel munguva yemafashamu eCyclone Idai.
Vanhu vanosvika mazana mashanu vakapotera paChimanimani Hotel munguva yemafashamu eCyclone Idai.

Munguva yemhirizhonga yekurwisana kwemarudzi emaTutsi nemaHutu munyika yeRwanda, vakawanda verudzi rwaiurayiwa rwechiTutsi vakakwanisa kupotera pane imwe hotera vakararama.

izvi ndizvo zvimwechetwo zvakaitika kuvanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai kuChimanimani, avo vakanopotera paChimanimani Hotel, kunyange hazvo vakanga vasiri kutiza kurwisana kwemarudzi.

Hotera iyi inonzi kubva musi wa 15 Kurume paitika mafashamu akasiya vakawanda vafa vamwe vasisina misha yavo, nanhasi ichiri kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko.

Hotera iyi inozivikanwa zvikuru nekubatsira kwayakaita mukuchengeta vanhu vanodarika mazana mashanu pakaitika mafashamu aya pakati pemwedzi wapera, kuburikitsa nekupa vanhu ava pekugara pamwe nechikafu.

Mukuru weChimanimani Hotel, VaMandla Mataure, vanoti havana kuda kumbofunga kaviri panyaya yekubatsira vagari vemunharaunda yavo mushure mekuona vanhu vaingofamba vachitsvaga pakakwirira kuitira kutiza mvura.

“The day after, it was a Saturday, the day after Cyclone Idai, ndakakwira upstair pa first floor. Ndakaona vanhu vakawanda vachifamba, madzimai, vana, varume, vakatakura zvinhu zvavo just trying to find higher ground, pane shelter. So ndakangoti kune team yangu, haa, boys vhurai ma doors, vanhu ngavapinde,” VaMataure vanodaro.

Vanoti vanhu vave mukati vakavaisira moto kuitira kuti vakwanise kudziirwa nekuomesa zvinhu zvavo kuitira kuti vasabatwa nezvirwere zvinokonzerwa nekutonhorwa.

VaMataure vanoti vakakwanisa kuwanisa vanhu vese ava chikafu chaibikwa pahotera pavo, kuburikidza nerubatsiro rwavaiwana kubva kune vemabhizimusi vemunharaunda mavo pamwe nevekanzuru yavo.

Vanoti vakaona zvakakosha kuti vambosendeka zvekuita mari vabatsire vanhu vari kushupika ava, vachiti kusvika pari nhasi vachine vanhu vari pakati pemakumi masere nezana vachiri kugara pahotera pavo vasati vawana kwekuenda.

Hurukuro naVaMandla Mataure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vashandi muBazi rezveHutano Vakawirwa neDambudziko reDutumupengo Vonyimwa Rubatsiro

Vashandi vanoona nezvehutano kumatunhu eChipinge neChimanimani vanonzi vari kusarurwa panyaya yerubatsiro rwuri kupiwa vanhu vakapona patsaona yedutumupengo kana kuti cyclone Idai, iyo yakaurauya vanhu nekuparadza misha yavo.

Mashoko aya akabuda pamusagano wakaitirwa kuCelebration Church International kuBorrowdale muHarare, uyo wakaunganidza nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinodarika mazana matatu dzichipana mazano angarerutsira vashandi vakatarisana nedambudziko iri.

Nyaya huru yakanyanya kutaurwa nezvayo ndeyekuti vashandi ava vasvikawo pakuneta nebasa ravari kuita kubva njodzi iyi zvayakaitika nemusi wa15 Kurume, zvekuti panofanirwa kutsvagwa nzira dzekuti vambozororawo nekuwana nguva yekugadzikana mupfungwa.’

Vamwe vashandi vezvehutano vakapona mudambudziko iri vakaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka.

Mukuru anoona nezvehutano hwepfungwa kuChipinge District VaTakunda Matereke vakatsanangura kuti hapana mushandi aiva akagadzirira dambudziko guru rakadai iro rakaparadza mazana nemazana evanhu nemisha inodarika zviuru makumi mashanu.

Mashoko aya akatsinhirwa nemukuru anoonawo nezvehutano hwepfungwa mudunhu reChimanimani District VaPhilip Mukorombindo, avo vakati chiitiko ichi chiri kutadza kugashirika uye zviri kurwadza nokuti chinhu chisati chamboitika munhoorondo yeZimbabwe.

Nyanzvi yezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano Dr Portia Manangazira vakatiwo vari kunetsekawo nekusarurwa kwevari mubazi rezvehutano panyaya yekuwaniswa rubatsiro kana kumboturawo befu.

Vakaendera mberi vachiti makiriniki akawanda nezvipatara pamwechete nedzimba dzaigara vashandi ava zvakakanganisika zvakanyanya nekudaro idambudziko rakasangana nemunhu wese anogara mumatunhu aya.

Dr Managazira vakaendera mberi vachiti vanhu vazhinji vachatamiswa kuenda kune dzimwe nzvimbo uko kuchazodawo kuiswa misasa yemakiriniki zvekuti dambudziko iri richatora nguva yakareba kuti hupenyu hwevanhu hugadzirike kana kudzokera pahwaimbove huri kare.

Vakaendera mberi vachiti bazi rezvehutano riri kurongawo kubaya nhomba yekudzivirira chirwere chekorera icho chatobatawo zvakasimba kuMozambique, nenhomba yekudzivirira gwirikwiti muvana vadiki.

Zvimwe zvezvinhu zvakabvumiranwa pamusangano uyu ndezvekuti nyanzvi dzakaungana idzi dzipote dzichienda kunoshanda kuChimanimani neChipinge kuti dzimbogamawo vashandi vehutano vekumatunhu aya.

Vakaungana pamusangano uyu vaisanganisa vakuru-vakuru vakabva kubazi rezvehutano, vamiriri vemasangano eMiracle Missions neAfricaid Zvandiri, nemamwewo akawanda anoshanda nevanhu vanenge vasangana namatambudziko erudzi urwu.

Mumwe Mufundisi weApostolic Faith Mission, VaSam Dube, avo vane sangano kuTynwald North muHarare, vakati zvavakaona kuChimanimani hazvitsanangurike uye mweya yevanhu vakawanda yakadzikiswa zvekuti zvichatora nguva yakareba kuti vapodzwe marwadzo iwaya.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mushandi weHurumende Anomiswa Pamberi peDare neKuba Rubatsiro rweCyclone Idai

Vamwe vashandi pamwe nevezvematongerwo enyika vari kupomerwawo mhosva yekuba rubatsiro rweCyclone Idai.
Vamwe vashandi pamwe nevezvematongerwo enyika vari kupomerwawo mhosva yekuba rubatsiro rweCyclone Idai.

Mumwe mukuru wekamba iri kuchengeterwa rubatsiro rweCyclone Idai, yeSilverstream, iri kuChimanimani, kuManicaland, uye vari mutevedzeri wemukuru anoona nezvehunyanzvi mubazi rezvemadzimai, Amai Christine Chideme, vakamiswa pamberi pedare kuChipinge vachipomerwa mhosva yekuba rubatsiro.

Amai Chideme vari kupomerwa mhosva yekuba rubatsiro rwakasiyanasiyana rwunokosha zviuru zvitatu zvemadhora rwaifanirwa kuenda kuvanhu vakavhiringidzwa nedutumupengo Cyclone Idai. Gweta riri kumirira Amai Chideme, VaLangton Mhungu, vatenda kuti Amai Chideme vakasungwa vachipomerwa mhosva iyi, iyo vanonzi vari kuramba.

Amai Chideme vanonzi vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Svondo rapera vamwe varume vaviri vakasungwawo nemapurisa maRusape mushure mekuwanikwa vaine zvinhu zvinofungidizirwa kuti zvakabiwa kuChimanimani, zvaifanirwa kubatsira vakawirwa nedambudziko.

Vamwe vezvematongerwo enyika vari kupomerwawo kushandisa masimba avo mukuba chikafu nerumwe rubatsiro.

Econet Group Yobatsira Vakarasikirwa neMabhizimusi Avo muCyclone Idai kuManicaland

Vamwe vevakarasikirwa nemidziyo yavo kuChimanimani. Econet Group inopti iri kubatsira kumutsiridza mabhizimusi, uye kuvaka dzimba itsva dzakasimba.
Vamwe vevakarasikirwa nemidziyo yavo kuChimanimani. Econet Group inopti iri kubatsira kumutsiridza mabhizimusi, uye kuvaka dzimba itsva dzakasimba.

Makambani ari pasi pekambani huru yenharembozha yeEconet Group anoti Eco-Cash neSteward Bank, atanga hurongwa kwekubatsira vamwe vakarasikirwa nemabhizimusi avo munguva yedutumupengo Cyclone Idai kumatunhu eChimanimani neChipinge kuManicaland kuburikidza nekuvapa mari dzekuti vakwanise kubatsirika kumutsiridza mabhizimusi avo.

Mushandi mukuru weEconet Group, VaLovemore Nyatsine, vanoti izvi ndizvo zvimwe zvezvakawanda zviri kuitwa nekambani yavo mudunhu iri.

Vanoti zvimwe zvavari kuronga kuzoita munguva pfupi inotevera kuvakira vagari vakarasikirwa nemisha yavo dzimwe dzimba dzakasimba, dzisingazoparadzwa nyore kana dutumupengo rakadai rakazodzoka mune ramangwana.

Vanyatsine vanoti vari kushandawo zvakasimba kuti vaone kuti zvikoro zvinodarika makumi mashanu zvakakanganiswa nemvura iyi mumatunhu aya zvakagadziriswa kotoro yepiri isati yatanga, iyo inotarisikwa kutanga kwemwedzi unouya.

Hurukuro naVaLovemore Nyatsine
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

America Yovimbisa Kuramba Ichibatsira Vakavhiringwa neCyclone Idai

Hurumende yeAmerica iri kubatsira nezvose, mari nechikafu.
Hurumende yeAmerica iri kubatsira nezvose, mari nechikafu.

Hurumende yeAmerica inoti dutumupengo reCyclone Idai rakaparadza dunhu reManicaland zvakanyanya uye zvakaitikako zvinopisa tsitsi nekudaro icharamba ichiona kuti vanhu veko vawana rubatsiro.

Vachitaura neStudio7 kumuzinda weAmerica, mukuru anoona nezvekubatsirwa kwevanhu vanenge vapinda mumatambudziko kuUSAID, VaJason Taylor, vati kunyange hazvo vari kushanda nemamwe masangano mukugadzirisa migwagwa pamwe nekuvaka zvivakwa zvakaparadzwa, pari zvino vari kunyanyokoshesa zvakanyanya kubatsira nezvinhu zvekudya kuitira kuti hupenyu husarambe huchirasika.

VaTaylor vati dambudziko rakawirwa nevagari vekuManicaland rakakurisa zvekuti hurumende yeZimbabwe haigoni kugadzirisa dunhu iri vari yega pasina rubatsiro.

VaTaylor, avo vakashanyira dunhu reManicaland nechikopokopo cheWorld Food Program, kunova kwavari kuisa mari yerubatsiro vakatiwo chakanyanyovavhundutsa kuona kutambudzika mupfungwa kwevanhu vedunhu iri.

Vati vana vavakaona vanga vasina mufaro. Vati zvakakosha kuti mushure mekunge vanhu vekuManicaland vabetserwa nezvinhu zvakadai sezvekudya nekuvakirwa dzimba, vanofanirwa kuzobatsirwawo kuti pfungwa dzavo dzigadzikane.

VaTaylor vatiwo vari kuChimanimani neChipinge havana kuona pamwe nekumbosangana nevagari vaiti havasi kuwana rubatsiro nekuda kwebato rezvematongerwo enyika ravanotsigira.

USAID yatiwo ine hunyanzvi hwekudzidzisa vanhu vemuZimbabwe kuti vakwanise kutarisa muchadenga kuti vaone kuti madutumupengo anokwanisa kuitika riinhi, uye achibva nekupi, pamwe nematanho avangatora kudzivirira kuparadzwa kwehupenyu nezvinhu kana hurumende ikavakumbira.

Kubva zvaita dutumupengo reCyclone Idai, America yabatsira Zimbabwe nemari inoita mamiriyoni maviri ane mazana matanhatu ezviuru zvemadhora.

Zvichakadaro hurumende , United Nations nemasangano akazvimiririra nhasi vaparura huronga hwekutsvaka nechimbichimbi mamiriyoni makumi matanhatu emadhora ekubatsira vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai.

Zvinofungidzirwa kuti vanhu vangangosvika zviuru mazana matatu vanoda rubatsiro kudunhu reManicaland, uye pavanhu ava, zviuru zana nemakumi maviri nezvipfumbamwe, vari vana vadiki.

Mumatunhu mapfumbamwe akavhiringwa neCyclone Idai, mune zvikoro zana nemakumi matatu nezvipfumbamwe zvakaparadzwa, izvo zvakasiya vana vechikoro makumi mapfumbamwe ezviuru vasina pekudzidzira.

Hurumende inoti vanhu vanodarika mazana matatu havasi kuzivikanwa kuti varipi, uye vamwe mazana matatu nemakumi matatu nevapfumbamwe vakafa mutsaona iyi.

Huwandu uhu hunotarisirwa kukwira.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Meya weGuta reHarare Vabatana neVamwe Mukuchenesa Musha weGlen Norah

Meya weGuta reHarare Vabatana neVamwe Mukuchenesa Musha weGlen Norah
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:30 0:00

Meya weguta reHarare, VaHebert Gomba, vabatana nemamwe makambani mukutsvaira mumusha weGlen Norah pasi chirongwa cheNational Clean Up Campaign icho chinoitwa Chishanu chekutanga pamwedzi wega wega.

Zvinhu Zvinonzi Zvotanga Kutarisika kuChimanimani West Mushure meKuparadzwa neCyclone Idai

Vagari vanonzi vari kushanda vakabatana nemamwe makambani kuvhura migwagwa pamwe nekuchenesa nzvimbo dzakakanganiswa neCyclone Idai.
Vagari vanonzi vari kushanda vakabatana nemamwe makambani kuvhura migwagwa pamwe nekuchenesa nzvimbo dzakakanganiswa neCyclone Idai.

Masangano anobatsira anonzi ari kuramba achienderera mberi nekubatsira vanhu vakavhiringwa nedutumupengo reCyclone Idai mumatunhu eChimanimani neChipinge kuManicaland, izvo zvaita kuti mimwe migwagwa nemazambuko zvichifambika.

Mumiriri weChimanimani West mudare reparamende vari nhengo yeZanu PF, Amai Nokuthula Matsikenyere, vanoti zvinhu zvinenge zvave kutanga kuratidzika mudunhu ravo zvichitevera mabasa ari kuitwa nemasangano anobatsira akasiyanasiya pamwe nehurumende.

Vanoti hurumende yakabatana nemasangano aya, iri kugadzirisa migwagwa pamwe nemabhohoro zvakanga zvaparadzwa nedutumupengo.

Amai Matsikenyere vanotiwo vanhu vakawanda mudunhu ravo vave kuwaniswa chikafu nekuda kwekugadziriswa kwemigwagwa nemazambuko zvakanga zvaparadzwa.

Varambawo mashoko ekuti chikafu chiri kugoverwa pachishandiswa zvematongerwo enyika, vakati mudunhu mavo vezvematongerwo enyika havasi ivo vari kusvitsa chikafu kuvanhu.

Hurukuro naAmai Nokuthula Matsikenyere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, vagari vekwaMutsvangwa kuChimanimani East vanoti vaswera vakagarira guyo sembwa sezvo chikafu chavanga vavimbiswa kuti chichadonhedzwa nendege kudunhu mavo chisina kuuya.

Kanzura veWard 23, VaJoel Dhumakwezu veMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa vanoti chikafu chazouya nendege duku mukudoka kwezuva chadonhedzerwa pakiriniki yepaMutsvanga, uye chinonzi changa chiri chishomashoma.

Vanoti kunyange hazvo vazovimbiswa kuti rumwe rubatsiro rwuchadonhedzwa kunzvimbo yavo nekukasika, vari kutadza kunzwisisa kuti sei rubatsiro urwu rwusiri kutakurwa nedzimotokari, sezvo vakagadzirisa migwagwa mizhinji yakanga yakanganiswa nemvura.

Hurukuro naVaJoel Dhumakwezu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vari Kunze kweNnyika Vounganidza Mari Ichashandiswa Kubatsira Vakawirwa neCyclone Idai

Vari Kunze kweNnyika Vounganidza Mari Ichashandiswa Kubatsira Vakawirwa neCyclone Idai
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri mushishi rekunganidza mari yekubatsira vakawirwa nedambudziko redutumupengo reCyclone Idai. VaFreeman Chari avo vanogara muAmerica vakatanga homwe iyi mavhiki apfura. Vanoti vari kufara nekubatana kuri kuita vanhu mukuunganidza rubatsiro.

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG