Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 14, 2019


Nhau DzeShona Studio7

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inobatana mukuchema nhengo dzayo mbiri dzakafa mutsaona nezuro manheru, VaPaul Rukanda naVaTafadzwa Mhundwa. Tsaona iyi yakakuvadzawo mumiriri weGlen View South muparamende, Amai Vimbai Tsvangirai Java, pamwe nesachigaro wemadzimai ebato muHarare West, Amai Muringani.

Hurumende yochema chema ichikumbira varairidzi kuti vasaramwe mabasa uye kuti vataure nayo zvichitevera chiziviso chekuramwa mabasa chakapihwa hurumende nesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, iyo iri kuti haisi kuzodzokera shure kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvevarairidzi vekumaruwa.

Vana chiremba vepachipatara cheMpilo kuBulawayo vokurudzira vabereki vane vana vane nhengo dzakavandika dzisiri pachena kuti murume here kana kuti mukadzi, kanawo vane nhengo dzose, kuti vanyorese nechipatara ichi kuitira kuti vaoparetwe pachena.

Vagari vekuChinhoyi, zvikuru vanogara mumusha weAlaska, vochema chema zvikuru nekushaya mvura munzvimbo yavanogara.

Chikwata chenhabvu chichamirira Zimbabwe kumakwikwi eAfrica Cup of Nations neCosafa, chinodomwa.

Muchirongwa cheThe Connection paLiveTalk na8pm tiri kutarisa kushandiswa kweSocial Media mukufambiswa kwemashoko munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG