Nyanzvi munyaya dzemitemo nezvematongerwo enyika dzopesana pane zvinoreva mutongo wakatarirwa bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, iro rinonzi nevakawanda ratarisana nenguva yakaoma zvichitevera mutongo wedare uyu usiri kucherechedza VaChamisa semutungamiri webato iri.
Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe roshora zvikuru hurongwa hwebhiri rekuvandudza mitemo inobata nyaya dzedzidzo richiti kurambidza kuranga vana vechikoro vanenge vakanganisa kuri kuda kuiswa mumutemo mutsva uyu kunosiya varairidzi vari panguva isina kunaka, ukuwo rimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe richitiwo riri kutsigira kuvandudzwa kwemutemo unobata nyaya yedzidzo uyu.
Vanotengesera mumigwagwa yemuHarare vanobatana nesangano reTajamuka vachinetsana nemapurisa ari kuvabvisa nechisimba munzvimbo dzavanotengesera. Izvi zvinonzi zvaitikawo kuNorton.
Vagari vekuChinhoyi, zvikuru vanogara mumusha weAlaska, vochema chema zvikuru nekushaya mvura munzvimbo yavanogara.
Muchirongwa cheLiveTalk - Women’s RoundTable 8pm tiri kutarisa pamire vanhukadzi pamutongo wakapihwa nedare repamusoro pagakava rehutungamiri muMDC pamwe nekutarisa zvinoreva zuva revanhukadzi remother's day.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum