Gurukota rezvekuuritswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti hurumende inokoshesa basa rinoitwa nevatori venhau uye iri kuvandudza mitemo kuti vashande vakasungunuka.
Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva revatori venhau kana kuti World Press Freedom Day.
Komisheni inoona nezverunyararo nekuregererana, yeNational Peace and Reconciliation, nhasi yazivisa kuti ichatanga kunzwa humbowo kubva kune veruzhinji pamusoro peGukurahundi pakati pemwedzi uno.
World Bank yopa Zimbabwe, Malawi neMozambique mari zhinji yekubatsira vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai
Munhau dzemitambo, tichakupa mitambo yePremier Soccer League iri kutarisirwa kutambwa kutanga mangwana.
Muchirongwa cheThe Connetion pa Livetalk na8pm nhasi tiri kutarisa nezve kutorwa kwezvinodhaka nenyaya dzepabonde dzirikuitwa nevechidiki kumachikichori anozivikanwa nezita rekuti ma vuzu party.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Facebook Forum