Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 10, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Dambudziko remafuta ekufambisa dzimotokari roramba richinetsa munyika kunyange hazvo gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, vari kuti munyika mune peturu yakawanda.

Kuderera kwemvura mumadhamu kunonzi kwava kukanganisawo kugaiwa kwemagetsi munyika izvo zvichaita kuti magetsi anetse kuwana munyika yose.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoenderera mberi dzichipa maonero adzo pamutongo wakaturwa naAmai Edith Mushore wekuti VaNelson Chamisa havasi mutungamiri weMDC zviri pamutemo, uye zvose zvavakaita kubva zvavatora masimba muna Kukadzi 2018, hazvisi pamutemo.

Vagari vekuChinhoyi, zvikuru vanogara mumusha weAlaska, vochema chema zvikuru nekushaya mvura munzvimbo yavanogara.

Chikwata chekiriketi yevanhukadzi munyika chokweshana neNamibia neSvondo mumakwikwi e2019 World Cup Qualifying Series.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa dambudziko rekushaikwa kwemafuta munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 10, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG