MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai kuMashonaland Central inoti nhengo dzayo dziri kushungurudzwa nevatsigiri veZanu PF
Bumbiro remitemo idzva rinoti panofanirwa kuitwa chirongwa chekunyoreswa kwevanhu kwemazuva makumi matatu sarudzo dzisati dzaitwa.
Mamwe mapato ezvematongerwo enyika anoti danho reZimpapers rekuti mapato ashambadze nezvesarudzo kwasara masvondo maviri ekuti sarudzo dziitwe, rakanangana nekuashaisa mukana wakakwana wekuzivisa nezvavachaitira veruzhinji
Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti nhumwa dzeAU dzavashanyira kumahofisi avo kuti dzizive nezvegadziriro yesarudzo.
VaMandela, avo vakaberekwa kuQunu musi wa 18 Chikunguru 1918, vakagara mujeri kwemakore anosvika makumi maviri nemanomwe
Munzvimbo zhinji zvinonzi manga musina mapepa ekuvhotesa kanawo vanovhotesa vacho.
Bato reZanu PF razivisa mazita enhengo dzaro dzakabudirira kupinda musarudzo dzekutsvaga vacharimira musarudzo dzemunyika
Vatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa vabvumirana kuti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vabvise mapepa avakasvitsa kudare neMuvhuro vachikumbira kuti sarudzo dziitwe musi 14 Nyamavhuvhu
Pakatanga chirongwa ichi, ZEC yakanga yakavimbisa kuti chichaitwa pawadhi yoga-yoga kwemazuva makumi matatu.
Dare reparamende riri kutarisirwa kugara neChipiri kuti rikurukure nezvebhiri remitemo ine chekuita nesarudzo.
Bato reMDC T rati riri kutarisira kupedza kutsvaga vacharimirira musarudzo kuburikidza nekuita sarudzo dzemaprimary mukupera kwesvondo mumatunhu ane vamiriri vakakundikana kuwana rutsigiro musarudzo dzekutanga, pamwe nematunhu akaita mhirizhonga dzakatadzisa kupedzwa kwesarudzo
Zanu PF haisati yazivisa vachakwikwidza vakarimirira, kunyange hazvo vamwe vakuru muchiuto, chipurisa pamwe nevasori vari kuonekwa vachitsvaga rutsigiro rwekumirira bato iri musarudzo dzenyika.
Vanhu vaviri vakwidza mudare repamusorosoro vachikumbira dare iri kumisa mutungamiri wenyika kusaita sarudzo Chikunguru asati apera.
Chirongwa chekunyoreswa kwevanhu kuti vazokwanisa kuvhota musarudzo pamwe nekuona kana mazita avo ari mugwaro revavhoti chatanga munyika yose nenzira dzakasiyanasiyana
Zimbabwe Electoral Commission yotanga zvakare kunyoresa vavhoti neMuvhuro kwemazuva makumi matatu.
Kusawirirana kuri muApex Council kunonzi kwatadzisa hurumende kushara nhumwa inganomirira boka revashandi iri kumusangano mukuru weInternational Labour Organisation, ILO
Izvi zvinotevera mutongo wedare repamusorosoro wekuti nyika inge yaita sarudzo musi wa 31 Chikunguru asati apfuura.
Chikwata cheZanu PF chiri kutungamirwa nasachigaro webato iri, VaSimon Khaya Moyo, chapinda mudunhu reMidlands uko chinonzi chasangana nehutungamiri hwedunhu
Hurumende inonzi ine hurongwa hwekudzika mutemo unosungira vemakambani kutenga kubva kunze zvikamu makumi mashanu kubva muzana chete zvezvaanoda muzvigadzirwa zvawo
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe,nevamwe mubato ravo reZanu PF makumi matatu nevaviri nekambani imwe chete, vachambosara vari pazvirango.
Rodhai zvimwe