Accessibility links

Breaking News

Kunyoreswa kweVanhu Vachavhota Kunotanga Munyika


Chirongwa chekunyoreswa kwevanhu kuti vazokwanisa kuvhota musarudzo pamwe nekuona kana mazita avo ari mugwaro revavhoti chatanga munyika yose nenzira dzakasiyanasiyana.

Mashoko atatambira anoti mumusha weKuwadzana manga musina nzvimbo yekunyoresera vanhu, uye kuEpworth vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF vanga vachimanikidza vanhu kunonyoresa.

Vamwe vataurawo neStudio7 vanoti kwaMutare vanhu vashoma-shoma ndivo vaenda kunonyoresa kana kutarisa mazita avo mugwaro revavhoti.

Asi mumatunhu akawanda emunyika anosanganisira Banket neLions’ Den mudunhu reMashanoland West, zvinonzi hapana zvikuru zvaitika.

Mune dzimwewo nzvimbo zvinonzi vanhu vanga vasina ruzivo rwakakwana nezvechirongwa ichi, kunyange hazvo Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yakazivisa kuti yaizotumira zvikwata zvaizofanodzidzisa vanhu nezvechirongwa ichi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuZEC kuti tinzwe matangiro aita chirongwa ichi.

Masangano akawanda anosanganisira JOMIC anonzi ari kukundikana
kuongororawo zviri kuitika nekuda kwekuti haasati apiwa mvumo neZEC, kunyange hazvo sangano iri rakakoka vemasangano vanoda kuongorora sarudzo kuti vanyorese naro.

Vanoongorora mafambiro esaruudzo, uye vachiona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reElection Resource Centre, VaJack Zaba, vaanoti semaonero avo vakazvimira, chirongwa cherwendo rwuno ichi chinenge chinoratidza kuti chakarongeka, zvichienzaniswa nechakapera masvondo mashoma apfuura.

“Ndoda kutarisa zvikuru panyaya yekuti zvinofanirwa kuitika, yatingati gadziriro tisati tatanga rwendo rwekunyoresa vanhu, ndiri kuona kuti veZEC vanenge vakaedza nepose pavanogona,” vanodaro VaZaba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chirongwa chekunyoresa vanhu ichi, icho chiri kutarisirwa kuitwa kwemazuva makumi matatu, chichapera musi wa 09 Chikunguru.
XS
SM
MD
LG