Accessibility links

Breaking News

Musangano weILO Wotanga Paine Kukakavadzana Munyika


Kusawirirana kuri musangano revashandi vehurumende reApex Council kunonzi kwatadzisa hurumende kushara nhumwa inganomirira boka revashandi iri kumusangano mukuru weInternational Labour Organisation, ILO, uyo uri kutanga neChitatu muGeneva, kuSwitzerland uchipera musi wa 20 Chikumi.

Imwe nhengo yeApex Council, rimwe sangano revarairidzi reZIMTA, rinoti ranga razvipira zvaro kuti ritumire munhu kumusangano uyu richizvimirira pakufamba nezvese, asi zvinonzi hurumende, kuburikidza nebazi rezvevashandi riri kutungamira hurongwa uhwu, haina kupindura kuchikumbiro ichi.

Vamwe vechikwata cheZimbabwe icho chinosanganisira hurumende, vashandirwi, nesangano reZCTU richimirira vashandi, vanonzi vakatosimuka vakananga kumusangano uyu.

Vashandi vemuZimbabwe vanoti vane zvinyunyuto zvakawanda chose zvavanoda kuti zvisvitswe kumusangano uyu, zvinosanganisira mitemo inobata vashandi nekushaikwa kwemabasa.

Mukuru weZIMTA, VaSifiso Ndlovu, vanoti hurumende haina kutaura navo zviri pamutemo pamusoro penyaya iyi, asi zvavari kunzwa ndezvekuti hurumende yakati haigone kushara munhu sezvo muine nyonganyonga musangano reApex Council.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi gurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Paurina Mpariwa-Gwanyanya, vanoti sekuziva kwehurumende, sangano rinomirira vashandi reZCTU ndiro riri kuenda kumusangano uyu sezvo riri iro rinopinda mumisangano yevatatu, ye Tripartite, iyo inosanganisira hurumende nevashandirwi nevashandi.

Amai Mpariwa Gwanyanya vanotiwo havana ruzivo nekusawirirana kunonzi kuri musangano revashandi vehurumende kanawo sangano reApex Council racho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, kuti tinzwe divi ravo.

Vashandi vemuZimbabwe vakawanda vari kunyunyuta kuti hurumende haisi kutevedzera zvisungo zvinenge zvaitwa kumisangano yekuILO iyi zvakawanda.

Asi Mai Mpariwa Gwanyanya vanoti kubva mugore ra2010 hurumende yaita zvakawanda chose mukuedza kugadzirisa hupenyu hwevashandi, uye kuwanisa vechidiki mabasa.
XS
SM
MD
LG