WASHINGTON DC —
Vaimbowe mutungamiri weSouth Africa, VaNelson Rolihlahla Mandela, vanonzi varamba vakabatikana nedenda muchipatara mavari kubatsirwa navana chiremba. Mhuri yeSouth Africa pamwe nevamwe pasi rose vari kunamata vachivashuvira hupenyu pamwe nekupora kubva kudenda ravo nekukasika.
VaMandela, avo vanoonekwa nevakawanda semunhu aikarwira hutongi hwejekerere, vakapinda mune chimwe chipatara chemuPretoria masvondo matatu adarika vachinetsekana nechirwere chemapapu.
Hurumende yeSouth Africa neChipiri yakaburitsa mashoko ekusimbisa nyika iyi pamwe nekukurudzira kuti vatsigire VaMandela pamwe nemhuri yavo panguva yakaoma kudai.
VaMandela, avo vakaberekwa kuQunu musi wa 18 Chikunguru 1918, vakagara mujeri kwemakore anosvika makumi maviri nemanomwe, mazvinji acho vachipika vari pajeri remuchitsuva che Robben Island.
Vakazoburitswa mujeri mugore ra1990, vakasarudzwa kuve mutungamiri wechitema wekutanga wenyika iyi muna 1994. Vakazosiya chigaro ichi muna 1999 vachiti vava kuenda pamudyandigere.
Munguva iyi VaMandela vanonzi vakashandawo zvakasimba mukubatsira dzimwe nyika dzemuAfrica dzinosanganisira Zimbabwe.
Mutevedzeri wemupepeti wenhau webepanhau reFreestate Times kuSouth Africa, uye vari chizvarwa cheZimbabwe, VaAbel Mutsakani, vanoti VaMandela munhu akapa vanhu vakawanda hushingi hwekupinda mune zvematongerwo enyika.
Pahukama hwaVaMandela nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaMutsakani vanoti nemanzwiro avanoita, VaMugabe vanonzi vanogona kunge vakapesana naVaMandela sezvo vaivaona semunhu akanga ovatorera mbiri yavaimbenge vainayo panguva iyo VaMandela vaive mujeri.