Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Vashandi Vayo Vanokwanisa Kukwikwidza Musarudzo


Bazi rePublic Service Commission, PSC, rinonzi rakubvumidza vashandi vehurumende vanoda kukwikwidza musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa munyika gore rino, kuti vapinde zvavo musarudzo idzi, asi vosiya basa musi wavanotambirwa nematare esarudzo.

Izvi hazvisi zvitsva zvekuti vashandi vabvumidzwe kupinda musarudzo, sezvo wagara uri iwo mutemo.

Asi vamwe vashandi vanoti vamwe vavo vakamboedza kupinda musarudzo mumakore apfuura, vakasangana nedambudziko rekuzotadza kudzokera pamabasa, kunyange hazvo PSC ichivimbisa kuti vashandi vanokwanisa kunyorera patsva kuti vadzoke pabasa kana vakundikana musarudzo.

Vashandi vemuhofisi yemutungamiri wehurumende, VaIan Makone, pamwe naVaJames Maridadi, vamwe vevashandi vehurumende vakatobuda pachena kare kuti vachakwikwidza vakamirira bato reMDC T.

Bato reZanu PF harisati razivisa vachakwikwidza vakarimirira, kunyange hazvo vamwe vakuru muchiuto, chipurisa pamwe nevasori vachinzi vari kuonekwa vachitsvaga rutsigiro rwekumirira bato iri musarudzo dzenyika.

Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinotiwo nhengo dzaro makumi maviri nenhatu dzakaratidzawo chido chekukwikwidza dzakamirira bato reMDC T.

Mukuru weZIMTA, VaSifiso Ndlovu, vanoti kunyange zvisiri zvitsva, dambudziko riri pakuti vashandi ava vanozowaniswa here mukana wekudzokera pabasa kana vachinge vakatadza kubudirira musarudzo.

Vanotiwo semasangano anomirira vashandi, vanotarisira kuti bumbiro remitemo idzva rakaumbwa richatsigira kodzero dzevashandi dzekuti vakwanise kunokwikwidza musarudzo vasingarasikirwe nemabasa avo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti mitemo iri kutarwa iyi inoshandiswa kubata kumeso vemamwe mapato asiri Zanu PF, sezvo vakawanda veZanu PF vaipinda musarudzo vachidzokera kumabasa avo vasina dambudziko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG