Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoruka Mutemo Wekuti Makambani Asatenge Zvakawanda Kunze


Hurumende kuburikidza nebazi rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, inonzi ine hurongwa hwekudzika mutemo unosungira vemakambani kutenga kubva kunze zvikamu makumi mashanu kubva muzana chete zvezvaanoda muzvigadzirwa zvawo pamwe nemichina, zvimwe zvikamu makumi mashanu kubva muzana votenga kubva kumakambani emunyika.

Mutemo uyu unonzi uchapfekerwa pakuvandudzwa kwemutemo wekuendeswa kweupfumi kuvatema wakadzikwa muna 2007, uye unonzi wakanangana negwara rehurumende rekumutsiridza makambani emunyika.

Chipangamazano chegurukota rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, VaPsychology Maziwisa, vanoti mutemo uyu, uyo uchiri kubikwa, unenge wakangonangana nekuzadzisa chishuwo chehurumende chekuti makambani ari pasi pevatema ari munyika asimukire.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, (EMCOZ) VaJohn Mufukare, vanoti kana mutemo uyu ukadzikwa unotozoomesera vemakambani vasara vachiri kutatarika, sezvo zvavachanzi vatenge munyika zvichizovadhurira.

VaMufukare vanotiwo iwo makambani emunyika, ayo vanoti ari kushanda ari pazvikamu zvinosvika makumi matatu nezvishanu kubva muzana, haana hudzamu hwekukwanisa kugutsa makambani anoda zvinhu aya, sezvo asiri kushandawo zvizere nekuda kwematambudziko anosanganisira kunetsa kwemagetsi nezvimwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gore rapera Zimbabwe inonzi yakatenga kubva kunze zvinhu zvinokosha mari inodarika zvishoma madhora mabhiriyoni masere, zvichienzaniswa nezvayakatengesa kunze zvinosvika pamadhora mabhiriyoni mashanu.
XS
SM
MD
LG