Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vaviri Vokumbira Dare Kumisa Sarudzo Muna Chikunguru


Vanhu vaviri vakwira kudare repamusorosoro vachida kuti dare iri rishandise masimba aro kumisa mutungamiri wenyika, mutungamiri wehurumende, pamwe nemamwe makurukota kuenderera mberi nekutevera mutongo wedare rimwe chetero wekuti nyika inge yaita sarudzo Chikunguru asati apera.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaNixon Nyikadzino, vakasvitsa magwaro kudare iri neMuvhuro vachiti kana sarudzo dzakaitwa zvinosungirwa nemutemo wesarudzo pasi pebumbiro zvisati zvazadziswa, kodzero dzavo dziri mubumbiro remitemo dzinenge dzambunyikidzwa.

Vanotiwo vanotyira kuti vavakwidza kumatare ava havakwanisi kuita zvose zvinodiwa 31 Chikunguru asati apfuura.

Vamwe vari kukwidzwa kudare naVaNyikadzino vanosanganisira gweta guru rehurumende, VaJohannes Tomana, mumiriri weHarare Central, VaMurisi Zwizwai, seneta weChikomo, VaMorgan Femai, mutauriri weparamende, VaLovemore Moyo, pamwe nasachigaro Zimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau..

Svondo rapera, mumwe mudzimai wemuBulawayo, Amai Maria Phiri, vakakwirawo kudare vachida kuti risendeke mutongo waro wekuti sarudzo dzinge dzaitwa vachidawo zvakare kuti zvose zvinosungirwa nemitemo zvitange zvaitwa pasati paitwa sarudzo.

Magwaro aVaNyikadzino akasvitswa kudare nemagweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights achishanda nekambani yemagweta yeDube, Manikai and Hwacha.

Mwedzi wapera dare repamusorosoro rakatonga kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vange vazivisa mazuva esarudzo pamwe nekuti dziitwe 31 Chikunguru asati apfuura.

Izvi zvaitevera nyaya yakanga yakwidzwawo kudare iri nechimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaJealous Mawarire, vachida kuti dare rimanikidze VaMugabe kuita sarudzo nekukasika sezvo hupenyu hweparamende iripo huri kupera musi wa29 Chikumi gore rino.

Rimwe remagweta ari kumirira VaNyikadzino, Doctor Tarisai Mutangi, vanoti vavari kumirira havasi kupikisa mutongo wedare wekutanga asi kuti vari kuti nguva yacho haichaita kuti zvose zvinosungirwa kuitwa zvitariswe Chikunguru asiti apera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG