Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inosangana neNhumwa dzeAfrican Union


 VaRugare Gumbo
VaRugare Gumbo
Bato reZanu PF rasangana muHarare nechikwata chesangano re African Union, AU, chiri munyika kuti chifanoona nezvegadziriro yesarudzo.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti nhumwa nhatu dzechikwata ichi, mbiri dzinobva kuZambia neimwe chete inobva kuUganda, dzavashanyira kumahofisi avo kuti vazivane uye kuoneswa nezvegadziriro yesarudzo, idzo dzakatarisirwa kuitwa munyika gore rino.

VaGumbo vanoti kubva mune zvavawana muhurukuro yavaita, nhumwa idzi dzaratidza kuti dziri kugutsikana nemafambiro ari kuita zvinhu uye kuti Zimbabwe yakagadzirira kuita sarudzo.

Svondo rapera chikwata ichi chakasanganawo nemutungamiri werimwe bato reMDC, uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vakadzokorora kurudziro yavo yekuti zvinhu zvitange zvagadziriswa munyika musati maitwa sarudzo.

AU yakatumira chikwata chine vanhu gumi vanobva kunyika dzinosanganisira South Africa, Lesotho, Sierra Leorne, Zambia, Nigeria neRepublic of South Sudan kuti vaone mamiririro akaita zvinhu mugadziriro yesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG