Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inozivisa Mazita eVachakwikwidza muSaruzdo dzemaPrimary


VaMugabe havana vari kuvakwikwidza mubato ravo
Bato reZanu PF razivisa mazita enhengo dzaro dzakabudirira kupinda musarudzo dzekutsvaga vacharimira musarudzo dzemunyika.

Mutewedzeri wemukuru mubazi rezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF,
VaPsychology Maziwisa vati bato ravo rapedzawo kuumba zvisungo zvichateverwa musarudzo dzebato idzi, izvo zvichaburitswawo neChishanu.
Sarudzo dzebato iri dziri kutarisirwa kuitwa nemusi wa 24 mwedzi uno, unove Muvhuro wesvondo rinouya.

Politiburo yebato iri yakasangana neChitatu ikapasisa vachakwikwidza ava, apo inonzi yakavandudzawo zvimwe zvezvisungo zvakanga zvaitwa nedare rinoona nezvesarudzo mubato iri.

Vamwe vakuru-vakuru mubato iri vanonzi vachatarisana nemakwikwi makukutu kubva kune vamwe vechidiki, vemuchiuto, chipurisa pamwe nevasori vari kudawo kumirira bato iri musarudzo.

Asi vamwewo vakuru mubato iri vakaita rombo rakanaka sezvo vasiri kukwikwidzwa.

Vasiri kukwikwidzwa ava vanosanganisira sachigaro webato iri VaSimon Khaya Moyo,mutewedzeri wemutungamiri webato iri Amai Joice Mujuru, VaEmmerson Mnangagwa, VaSydney Sekeramai, VaAmbros Mutinhiri, VaObert Mpofu naVaWalter Mzembi naVaSupa Mandiwanzira, avo vanonzi vachamirira Zanu PF kuNyanga North uko vachakwikwidzana naVaDouglas Mwonzora veMDC T.

Vamwe ndaVaJonathan Moyo, VaDavid Parirenyatwa, VaHerbert Murerwa, Amai Angeline Masuku, VaDidymus Mutasa, Amai Olivia Muchena, VaNaison Ndlovu, Amai Abigail Damasani naAmai Flora Buka.

Mutauriri weZanu PF VaRugare Gumbo vanonzi vachakwikwidzana naVaJuly Moyo pachigaro cheseneti chedunhu reMberengwa, ukuwo munyori wezvekuburitswa kwemashoko VaWebster Shamu vachikwikwidzana naVaJohn Mafa.

VaMaziwisa vati mazita evose vachakwikwidza musarudzo idzi achaziviswa kuburikidza negwaro richatumirwa kumasangano enhau neMugovera.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG