Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Zanu PF Iri Kunetsa Nhengo Dzayo kuMashonaland Central


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai mudunhu reMashonaland Central rinoti nhengo dzaro dziri kuwanikwa dzakapfeka mbatya dzebato iri dziri kushungurudzwa nevatsigiri veZanu PF.

Vatsigiri veZanu PF ava vari kupomerwawo mhosva yekubvarura mapepa ekushambadza nezvemisangano yeMDC T iri kuda kuitwa mudunhu iri.

Sachigaro wevechidiki mubato reMDC T mudunhu reMashonaland Central, VaTonderai Samhu, vanoti nhengo dzavo munzvimbo dzakasiyanasiyana dzinosanganisira pachikoro cheRuya Adventist Church kuMt. Darwin, Mvurwi ne Glendale dziri kubvarurirwa zvipfeko zvakaita semaT-shirt matsvuku ebato ravo.

VaSamhu vanoti vari kuedza chose kukurudzira nhengo dzavo kuti dzisadzosera zviri kuitwa neZanu PF izvi, vachitarisirawo kuti vachakwanisa kugadzirisana nevamwe vavo kuti vakwanise kugarisana zvakanaka uye kuita sarudzo murunyararo.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Murongi wemisangano muZanu PF mudunhu reMashonaland Central, uye vari mumwe wemasachigaro eJomic mudunhu iri, VaEverson Tauro, vantiwo vanzwawo nezvezviitiko izvi, uye vatokomekedza nhengo dzavo muMvurwi kuti dzisiyane nezvemhirizhonga.

VaTauro vanotiwo vakurudzirawo mapurisa kuti asunge ani nani zvake achawanikwa achiita zvemhirizhonga, zvisineyi nekuti ndewebato ripi.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG