Accessibility links

Breaking News

Kunyoreswa kweVavhoti Kopera Vazhinji Vachinyunyuta


Apo chirongwa chekunyoreswa kwevanhu kuti vazokwanisa kuvhota chiri kupera nemusi weChipiri, mamwe masangano nevanhu vakawanda vari kukurudzira Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti iwedzere mazuva kuitira kuti vanhu vakakundikana kunyoresa mukati memazuva makumi matatu echirongwa ichi vawane mukana.

Bumbiro remitemo idzva rinoti panofanirwa kuitwa chirongwa chekunyoreswa kwevanhu kwemazuva makumi matatu sarudzo dzisati dzaitwa.

ZEC yakazivisawo kare kuti gwaro revavhoti richavharwa nemusi weChitatu.

Vanhu vakawanda mumatunhu mazhinji emunyika vari kuti vashandi vekumahofisi ekwamabharani mukuru, avo vari kuita basa iri, havasi kushanda nemwoyo wese.

Mune dzimwe nzvimbo vanhu ava vanonzi vari kukasika kuvhara nguva dzakatarwa neZEC dzisati dzakwana. Vanhu vanodarika mazana mana ezviuru vanonzi vakanga vanyoresa nechitatu chesvondo rapera.

Mukuru weElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vanoti vanokurudzira kuti mazuva awedzerwe, asi vanotiwo kunyange ZEC ikawedzera mazuva aya, vose vachazonyoresa havakwanise kuvhota musarudzo dzegore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG