Accessibility links

Breaking News

VaChikwinya Vokumbira Nguva paChirongwa cheKunyoreswa kweVanhu


Mumiriri weMbizo muparamende, VaSettlement Chikwinya, vanyorera tsamba kuZimbabwe Electoral Commission, ZEC, pamwe nekumahofisi amabharani mukuru wenyika, VaTobaiwa Mudede, vachikumbira kuti chirongwa chekunyoresa vanhu chiwedzerwe mudunhu mavo.

VaChikwinya vanoti vamanikidzwa kutora danho iri nekuona kuti vari kuita basa rekunyoresa vanhu havasi kugara mumawadhi kwemazuva makumi matatu akatarwa nemitemo.

Vanhu mumatunhu mazhinji emunyika vari kunyunyutawo kuti havasi kuwaniswa mukana wekunyoresa sezvo vari kuita basa iri vari kukasika kubuda munzvimbo dzavo, dzimwe nguva mushure mekushandamo kwemazuva ari pakati pemaviri nemashanu.

Pakatanga chirongwa ichi, ZEC yakanga yakavimbisa kuti chichaitwa pawadhi yoga-yoga kwemazuva makumi matatu.

Asi VaMudede vakaudza komiti yeparamende svondo rapera kuti zvakanga zvisiri nyore kuti vanhu vapedze mazuva makumi matatu vari muwadhi imwe chete nepamusana pekushaya mari, pamwe nevashandi vakakwana.

VaChikwinya vanoti dunhu ravo rakapiwa nzvimbo mbiri chete dzekuti vanhu vanyorese, uye mazuva matanhatu.

Vanoti kana chikumbiro chavo chikatambirwa neZEC, vanoda kuti zvikwata zvekunyoresa vanhu zvidzoke mudunhu ravo neMuvhuro kuitira kuti zvinyorese vanhu vemumawadhi mana asina kuwana rubatsiro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, komiti yeparamende inoona nezvekudzivirirwa pamwe nemukati menyika yapinda muzuva repiri ichitenderera nematunhu ichinzwa kubva muvanhu pamwe nekuzvionera yoga mafambiro ari kuita chirongwa chekunyoresa vanhu ichi.

Sachigaro wekomiti iyi, VaPaul Madzore, vanoti neMuvhuro vakashanyira dunhu reMashonaland Central, uko komiti yavo yakaona kuti kune matambudziko ekushaikwa kwemichina yakaita semakamera ekutora mifananidzo pamwe nemajenareta ekushandisa semwenje.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Vati kudunhu reManicaland zvinhu zvinenge zviri kufamba zviri nani. Komiti iyi, iyo iri kufambawo nevatori venhau, yave kunzwa pamwe nekuona zviri kuitika kuMasvingo.
XS
SM
MD
LG