Accessibility links

Breaking News

Mapato eMDC Oshora Danho reZimpapers Pakushambadza Mapato


Mamwe mapato ezvematongerwo enyika anoti anofunga kuti danho ratorwa nekambani inodhinda mapepanhau, yeZimpapers, rekuti mapato ashambadze nezvesarudzo kwasara masvondo maviri ekuti sarudzo dziitwe, rakanangana nekuda kuashaisa mukana wakakwana wekuzivisa nezvavachaitira veruzhinji.

Sachigaro weZimpapers, VaPaul Chimedza, avo vari kukwikwidza musarudzo vakamirira Zanu PF, vakaudza bepanhau reHerald kuti bhodhi ravo rakasunga kuti mapato ezvematongerwo enyika ashambadze kwasara masvondo maviri chete, vachiti zvinofambirana nemitemo yesarudzo.

ZEC yakazivisa kuti mutemo unosungira kuti ishande pamwe nemasangano enhau ichibatsirwa neZimbabwe Media Commission pamwe chete neBroadcasting Authority of Zimbabwe mukuongorora sarudzo wave kushanda kubva pakaziviswa nezvezuva resarudzo nemutungamiri wenyika.

Asi mutemo uyu unonzi haumanikidzi vemapepanhau kana dzinhepfenyuro kuburitsa zvishambadzo zvemapato ezvematongerwo enyika, asi kuti kana vaita izvi, vanozosungirwawo kupa mukana wakaenzana kune mapato ose.

Vaive sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaSettlement Chikwinya, vati hapana mutemo unosungira Zimpapers kuburitsa zvishambadzo zvemapato ezvematongerwo enyika sezvo isiri pasi pehurumende zvizere, sezvakaita Zimbabwe Broadcasting Corporation.

Zimpapers inodhinda mapepanhau akawanda anosanganisira Herald, Sunday Mail, Chronicle neManica Post, Kwayedza nemamwe.

Hurumende ine masheya zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vanoti vanoshora zvikuru danho rezimpapers iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Mutauriri weMDC T VaDouglas Mwonzora, vanotiwo bato ravo harichineyi neZimpapers sezvo rakapedzisira kushambadzwa nemapepanhau ekambani iyi kare kare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG