WASHINGTON DC —
Zvizvarwa zveZimbabwe zvisina kukwanisa kuwana mukana wekunyoresa kuti zvizokwanisa kuvhota musarudzo muchirongwa chakabva kuitwa, zvinonzi zvichawana mumwe mukana kuburikidza nechirongwa chitsva chiri kuparurwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kubva nemusi weMuvhuro.
Chirongwa ichi chinonzi chichaitwa kwemazuva makumi matatu, kubva musi wa10 Chikumi kusvika musi wa 9 Chikunguru, uye chinonzi chichapinda mumawadhi mukuedza kugadzirisa matambudziko nemhosho zvinonzi zvakatadzisa kufamba zvakanaka chirongwa chichangopera ichi.
ZEC inoti kubva nemusi wa 5 Chikumi yakatotumira zvikwata zvichadzidzisa vanhu nezvesarudzo, vekunyoresa vanhu vozotevera mushure kubva musi wa10 Chikumi.
Nyaya yekusawainisa vanhu dzidziso yakakwana uye kushambadzwa kwechirongwa ichi zvakakwana ndizvo zvimwe zvezvinhu zvakashorwa zvikuru nevanhu pachirongwa chekutanga.
Asi vemasangano akazvimirira pamwe nevedzisvondo vanonzi havana kuwaniswa mukana wavaida wekuti vapindewo mukudzidzisa vanhu nezvesarudzo.
Mukuru weZimbabwe Election Support Network, ZESN, Amai Rindai Chipfunde Vava, vanoti vemasangano akazvimirira pamwe nevemachechi vatoziviswa nezvedanho iri kare pamusangano wavaita neZEC. Vanotiwo ZE haisi kuzopa mukana wekudzidzisa vanhu kumasangano aya pachirongwa chekunyoresa vanhu ichi.
Mufundisi vataurawo vakazvimirira, Reverend Doctor Levee Kadenge, vanotiwo panyaya yegadziriro, havaone ZEC yakagadzirira zvakanyanya kupfuura zvayakanga yakaita muchirongwa chichangobva kupera.