Accessibility links

Breaking News

MDC T Yopedzisa Sarudzo dzeVachamirira Bato


MDC spokesman, Nelson Chamisa<br>
MDC spokesman, Nelson Chamisa<br>
Bato reMDC T rinoti riri kutarisira kupedza kutsvaga vacharimirira musarudzo kuburikidza nekuita sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri, primaries, mukupera kwesvondo mumatunhu ane vamiriri vakakundikana kuwana rutsigiro musarudzo dzekutanga, pamwe nematunhu akaita mhirizhonga dzakatadzisa kupedzwa kwesarudzo.

Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muMDC T, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo richaita sarudzo mumatunhu anosvika makumi maviri nemanomwe. Vanotiwo rakagadzirisa zvimhingamipinyi zvakatadzisa kuitwa kwesarudzo mune mamwe matunhu.

Nhengo dzeparamende dzebato iri dzine chitsama dzinosanganisira VaFidelis Mhasu, VaWillias Madzimure, naVaHeneri Dzinotyiwei, dzakakundikana kuwana rutsigiro kana kuti confirmation izvo zvaizoita kuti dzisapinda musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato.

Mumamwe matunhu akaita seChikanga-Dangamvura zvinonzi sarudzo dzakatadza kuitwa nepamusana pemhirizhonga pakati pevatsigiri vemumiriri ari pachigaro pari zvino, VaGiles Mutsekwa nevatsigiri vevari kuda kukwikwidza, VaArnold Tsunga.


please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Ukuwo, bato reZanu PF rakazivisa nemusi weChina kuti rave kuzoita sarudzo dzekutsvaga vacharimira musarudzo nemusi wa 24 Chikumi munyika yose.

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti havana chokwadi chekuti vanokwanisa here kana kuti kwete kuita sarudzo idzi nemazvo mukati mezuva rimwe chete.

VaGumbo vanotiwo bato ravo rakabudawo nemitemo ichashandiswa pasarudzo idzi, pane vanenge vachida kukwikwidza musarudzo dzemakanzuru, paramende pamwe neseneti.

Vachakwikwidza muzvigaro zvemaseneta vanotarisirwa kunge vakanyoresa kuve vavhoti uye vadarika makore makumi mana ekuberekwa.

Mimwe yemitemo iyi inoti munhu anofanirwa kunge akabatsira muhondo yeChimurenga, uye vari nhengo yebato kwemakore anodarika mashanu pamwe nehunhu hwakanaka nekuvimbika.

VaGumbo vanotiwo matunhu ane vamiriri vechidzimai achakwikwidzwawo nemadzimai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG