Zvizvarwa zveZimbabwe zvakadzidza kuzvikoro zveBaptist Church muZimbabwe zviri kunze kwenyika kudzosera kuzvikoro izvi kuburikidza nekuunganidza makombiyuta nemari zvichipiwa kune vanoshaya kana kusimudzira zvikoro zvekumaruwa
Gore rino vashandi vehurumende vakawanda vari kutamba zororo reKisimusi vasina mari muhomwe dzavo sezvo hurumende yakashandura mazuva avo ekuwana mihoro pamwe nekusabuda pachena panyaya dzemabhonasi
Zimbabwe iri kucherechedza zuva rekubatana kwemapato eZanu PF ne PF Zapu, uko kunonzi kwakaunza runyararo munyika mushure mekusagadzikana kunonzi kwakasiya zviuru nezviuru zvevanhu zvaurayiwa, zvimwe vachitiza misha yazvo
Musangano uyu wanga wakarongwa pasi pegungano reZimbabwe National Agreement Platform uchitungamirwa naBishop Ancelimo Magaya
Mamwe mapato anopikisa gumi nerimwe, kusanganisira bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, akasaina gwaro iri svondo rapera muHarare
Pastor Patrick Phillip Mugadza, avo vakasungwa neChishanu chapfuura mushure mekuratidzira kuVictoria Falls, vachiri muhusungwa mushure mekukundikana kuunganidza mari yechibatiso yakatarwa nedare
Zvinhu zvinonzi hazvichina kumira zvakanaka muvashandi vehuruemende zvichitevera kukundikana kwehurumende kuvazivisa kuti vachawana mari dzemabhonasi riini
Murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, vakaremekedzwa zvikuru neChishanu chapfuura nekuwaniswa mubairo wekurwira kodzero dzevanhu pamabiko akaitwa nesangano reZimbabwe Human Rights Association, Zimrights
Chizvarwa cheZimbabwe, VaGus Chihaba, avo vari muTexas muAmerica, vakagadzira kamuchina kavo kanobatsira kutevera vatyairi pamwe nekuona kuti vari kumhanya zvakadii, vari kutyaira sei nenzvimbo yavanenge vari.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakomekedza kuti dunhu reHarare rebato ravo riumbe komisheni ichaongorora makanzura eguta reHarare ari kupomerwa mhosva dzehuwori.
Munyori mukuru we United Nations, VaBan ki Moon, vati pakucherechedza zuva iri tinofanirwa kuzvipira tose kuchengetedza kodzero dzemunhu wese.
Mapishapisha, kudzingana pamwe nekumbomisana kuve nhengo mubato reZanu PF zviri kuramba zvichienderera mberi panguva iyo bato iri riri kuita musangano waro wepagore, izvo zvinonzi nevakawanda zvichasiya bato iri risisina kusimba sezvaraive kare
Apo pasi rose riri kugadzirira kucherechedza zuva rekodzero dzevanhu reHuman Rights Day nemusi weChina, murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Azamara, vanga vachisvitsawo mwedzi mipfumbamwe vasingazivikanwi kwavari
Chirongwa chikuru ndechenhauro pamusoro pekutarisisa mabatirwo ari kuitwa bumbiro remitemo idzva nehurumende, iyo ichakokerwa neVaDeprose Muchena avo vanoshanda neAmnesty International.
Bato rinopikisa reMDC T inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti ratora matanho ekuti mumwe wevatewedzeri vemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko vaburitswe muhotera mavari kugara kubva pavagadzwa pachigaro ichi gore rapera
Sangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe rinoti rinoshushikana nehurongwa hwarinonzwa kuti huri kuda kuitwa nekanzuru yeguta reHarare, hwekurambidza kana kutara nguva yekuti vanhu vanamatire munzvimbo dzisina zvivakwa, uyewo kurambidza nyaya dzeruzha.
Vagari vekuChinyamukwakwa kuChisumbanje, Chipinge, vanoti mapurisa ekuChisumbanje anga akapakatira zvombo anodarika makumi mashanu afumobata jongwe muromo achisecha mudzimba dzavo zvine chisimba.
Mapato anopikisa gumi nerimwe kusanganisira MDC T, akabatana akasaina gwaro rekuti vabatane mukurwisa kuti pave nekuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo, sarudzo dzemuna 2018 dzisati dzaitwa
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvakabuda munyika zvichinotsvaga mafuro manyoro munyika dzakapoteredza Zimbabwe, zviine tarisiro yekuti zvinhu zvichakasika kunaka kumusha zvodzokera
Mapato ezvematongerwo enyika gumi nemashanu anopikisa hurumende anonzi ari kutarisirwa neChitatu kunyorerana chibvumirano chekuti akurudzire kuti munyika mutange mave neshanduko munyaya dzemitemo ine chekuita nesarudzo pasati paitwa sarudzo
Rodhai zvimwe