Apo pasi rose riri kugadzirira kucherechedza zuva rekodzero dzevanhu reHuman Rights Day nemusi weChina, murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, vanga vachisvitsawo mwedzi mipfumbamwe vasingazivikanwi kwavari.
Vari kutungamira hurongwa kwekunamatira VaDzamara kuti vadzorwe kumhuri yavo, Bishop Ancelimo Magaya, vanoti vanga vakaronga kubatanidza hurongwa hweZimbabwe National Agreement Platform nekunamatira pamwe nekurangarira VaDzamara pazuva reHuman Rights Day asi vazoendesa hurongwa uhwu mberi kumusi weChishanu svondo rinouya.
Gungano reZimbabwe National Agreement Platform rinobatanidza vedzisvondo, masangano akazvimirira, mapato ezvematongerwo enyika pamwe nevashandi.
Bishop Magaya vanoti vanoshushikana zvikuru nekusaratidza hany’a kwavanoti kuri kuitwa nehurumende mukutsvaga VaDzamara.
“Nekunyarara kunenge kuri kuratidzwa nehurumende yedu, zvinoratidza kuti Havana chido nehany’a zvekuziva kuti Itai Dzamara aripi kana kuti chii chakaitika kwaari,” Vanodaro Bishop Magaya.
Mapurisa akakomekedzwa nematare epamusoro soro kuti apote achizivisa matare pamwe nemhuri yekwaDzamara pavanenge vasvika mukutsvaga kwavo masvondo maviri ega-ega.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.
VaDzamara vaizivikanwa nekuratidzira muAfrica Unity Square nevamwe vavo vachikurudzira kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa nekuti vatadza kutungamira.
Asi izvi zvinonzi hazvina kutambirwa zvakanaka zvikuru nevebato reZanu PF, avo vaimboshungurudza VaDzamara nevamwe vavo kuburikidza nekuvarwisa pamwewo nekungosungwasungwa nemapurisa.