Chizvarwa cheZimbabwe, VaGus Chihaba, avo vari muTexas muAmerica, vakagadzira kamuchina kavo kanobatsira kutevera vatyairi pamwe nekuona kuti vari kumhanya zvakadii, vari kutyaira sei nenzvimbo yavanenge vari.
VaChihaba vanoti vakatora danho rekugadzira kamuchina aka mushure mekuona kuramba vachirasikirwa nehama neshamwari mutsaona dzemumigwagwa.
Vanoti kamuchina kavo aka kanonyanya kubatsira zvikuru vatyairi vechidiki vachiri kutanga uye vanoti kanoshanda nemasaisai enharembozha uye kanotengeswa nekambani yeSamaritan.
Munhu anogona kuona mafambiro anenge achiita mwana wake, kana hama nemotokari inenge yakaiswa kamuchina aka iwe usiri pamotokari iyi.
Mutyairi anogonawo kutarisa kamuchina aka paanenge apedza kutyaira kuitira kuti aone zvaanokanganisa pakutyaira.