Vagari vekuChinyamukwakwa kuChisumbanje, Chipinge, vanoti mapurisa ekuChisumbanje anga akapakatira zvombo anodarika makumi mashanu afumobata jongwe muromo achisecha mudzimba dzavo zvine chisimba.
Mapurisa aya, ayo anonzi anga achishandisa marhorhi matatu ekambani ye Green Fuel mukuita basa iri, anga achiti ari kutsvaga midziyo yekambani yemafuta ye Green Fuel inosanganisira GPS, inonzi yakabiwa nevagari.
Sangano rePlatform for Youth Development rinoti mapurisa aya apinda mumisha kubva na 3 mambakwedza eChishanu vakagara kwemaawa matatu vachisecha mudzimba dzevanhu.
Sangano iri rinoti kupinda kwemapurisa mudzimba uku kwaonawo vamwe vachiwanikwa vasina kupfeka mbatya, izvo zvinonzi zvakonzera bowabowa zvikuru kumadzimai.
Imwe nhengo yesangano iri, Muzvare Sally Nobuhle Mlambo, vanoti mapurisa aya azombosunga nengetani mugari wemunzvimbo iyi, VaMuchatiroto Mashava pamwe nemwanakomana wavo, Gondani, asi vakazosunungurwa.
Hukama pakati pevagari nekambani ye Green Fuel hunonzi hwaderera zvakanyanya izvo zvinonzi zvave kuita kuti pagare pakabatiranwa matemo.
Studio 7 yakundikana kubata mapurisa ekuChisumbanje kanawo veGreen Fuel kuti tinzwe divi ravo.