Accessibility links

Breaking News

People First Yopindawo Mudariro reNERA


VaDidymus Mutasa ndivo vanonzi vakasaina gwaro reNERA vakamirira People First
VaDidymus Mutasa ndivo vanonzi vakasaina gwaro reNERA vakamirira People First

Zvinhu zvinenge zviri kuramba zvichitora shanduko munyaya dzezvematongerwo enyika zvichitevera kubatana kwechikwata chePeople First nemamwe mapato anopikisa, vashandi pamwe nevadzidzi mukusaina gwaro kwacho gwaro reNational Electoral Reform Agenda, NERA, iro riri kukurudzira kuti patange pave nekuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo pasati paitwa sarudzo dza 2018.

Mamwe mapato anopikisa gumi nerimwe, kusanganisira bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, akasaina gwaro iri svondo rapera muHarare.

Chipiri chesvondo rino imwe nhengo yechikwata chePeople First, VaDidymus Mutasa, vakaisawo runyoro rwavo pagwaro iri vakamirira chikwata ichi, icho chinofungidzirwa kuti chinotungamirwa naAmai Joice Mujuru, kunyange hazvo Amai Mujuru vasati vabuda pachena kuti ndivo mutungamiri here kana kuti kwete.

Kunyange hazvo Studio 7 yakundikana kubata vakuru vePeople First, vari kutungamira hurongwa hwekubatanidza mapoka ose aya mukukurudzira hurumende kuti igadzirise mitemo ine chekuita nesarudzo, Bishop Ancelimo Magaya, vatenda kuti VaMutasa vakasaina gwaro re NERA neChipiri.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe Trust, VaSydney Chisi, vanoti vanoona danho iri rakakosha zvikuru sezvo vana veZimbabwe vave kukwanisa kubatana vachitaura nezwi rimwe chete.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanotiwo izvi hazvina zvazvinoshandura sezvo vanhu, kwete mapato ezvematongerwo enyika, vari ivo vanokwanisa kushandura zvinhu muZimbabwe kuburikidza nekusarudza bato ravanoda kuti rivatungamire.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG