Accessibility links

Breaking News

Musangano weKuzeya Matambudziko eNyika weZimbabwe National Agreement Platfrom Unoitwa muHarare


Pasi pebumbiro remitemo, mapurisa haana mvumo yekurambidza vanhu kuungana
Pasi pebumbiro remitemo, mapurisa haana mvumo yekurambidza vanhu kuungana

Musangano wekuzeya matambudziko akatarisana nenyika wanga uchiunganidza mapato ezvematongerwo enyika anopikisa, vedzisvondo, vashandi pamwe nevadzidzi wanga uchifanirwa kuitwa muHarare mangwanani eChishanu wakazononoka zvikuru mushure mekunge mapurisa ambourambidza achiti haana vanhu vakakwana vanokwanisa kuchengetedza runyararo.

Musangano uyu wanga wakarongwa pasi pegungano reZimbabwe National Agreement Platform uchitungamirwa naBishop Ancelimo Magaya.

Bishop Magaya vanoti vazoenda kumatare edzimhosva kuti vakwanise kupiwa gwaro rinovapa mvumo yekuita musangano uyu vasingambunyikidzw nemapurisa, inove kodzero yavo pasi pebumbiro remitemo idzva, iro rinopa munhu wese kodzero yekutaura zvaanoda kana kuungana.

Mapato apinda musangano uyu, anosanganisira reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe nechikwata chePeople First icho chinonzi chinotungamirwa naAmai Joice Mujuru, iro svondo rapera vakabatana nevamwe vose ava mukusaina gwaro reNational Electoral Reform Agreement.

Asi chikwata chePeople First hachina kuzopinda musangano uyu nezvikonzero zvisati zvazivikanwa.

Gwaro iri rinomanikidza hurumende kuti itange yavandudza mitemo ine chekuita nesarudzo, sarudzo dza 2018 dzisati dzaitwa.

Bishop Magaya vanoti mapurisa akavapawo chimwe chikonzero chekuti vakanga vasina kuzivisa huwandu hwevanhu vachapinda musangano uyu.

Vanoti vanhu vazopinda musangano uyu vanogona kudarika chiuru, sezvo vamwe vanga vatoparara panguva yavazopiwa gwaro rekumatare edzimhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG