Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reKodzero dzeVanhu Pasi Rose


Zimbabwe Lawyers
Zimbabwe Lawyers

Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhu pasi rose, mumwe mukuru mu United Nations achiyambira kuti pane zvipingaidzo zvakawanda zviri kutadzisa veruzhinji kuwana rusununguko, mutongo wejechetere pamwe nerunyararo pasi rose.

Zuva re International Human Rights Day rinocherechedzwa pasi rose senzira yekuremekedza chisungo chakaitwa ne United Nations General Assembly muna 1948 chekutara zuva rekucherechedza kodzero dzevanhu.

Munyori mukuru we United Nations, VaBan ki Moon, vati pakucherechedza zuva iri tinofanirwa kuzvipira tose kuchengetedza kodzero dzemunhu wese.

MuZimbabwe zuva iri racherechedzwa pasi pehurongwa hwanga huchitungamirwa nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Lawyers for Human Rights.

Vanhu vakawanda, zvikuru vanopikisa hurumende, vanoti vanogara vakatyorerwa kodzero dzavo nehurumende.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti hurumende iri kutyora kodzero dzemunhu wese kuburikidza nekutadza kuzadzisa zvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika, pamwe nekutadza kuita zvinenge zvakomekedzwa nemitongo yematare edzimhosva.

Mutauriri we Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Va Kumbirai Mafunda, vanoti sangano rapa mibairo kumagweta akamira zvakasimba muna 2015 achirwira kodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG