Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Votamba Kisimusi Vakaoma Miromo


Vashandi vazhinji havana mari yekutenga chikafu sezvo hurumende yakakundikana kuvapa mihoro pamberi peKisimusi
Vashandi vazhinji havana mari yekutenga chikafu sezvo hurumende yakakundikana kuvapa mihoro pamberi peKisimusi

Gore rino vashandi vehurumende vakawanda vari kutamba zororo reKisimusi vasina mari muhomwe dzavo sezvo hurumende yakashandura mazuva avo ekuwana mihoro pamwe nekusabuda pachena panyaya dzemabhonasi.

Munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi rePorgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti varairidzi nevamwe vashandi vakaziviswa kuti vachawana mihoro yavo nemusi wa28 Zvita, unove Muvhuro unotevera mushure mezororo reKisimusi.

Vanoti mauto ndiwo chete akawaniswa mihoro, asi pasina mabhonasi.

Kare vashandi vehurumende vaitambira mabhonasi avo mwedzi waMbudzi, izvo zvaivapa nguva yekugadzirira zororo.

VaMajongwe vanoti danho rehurumende rekushandura mazuva emihoro iri pamwe nekukundikana kwayo kuvawanisa mari dzebhonasi zvaita kuti mhuri zhinji dzisuwe panguva inofanirwa kuve yemafaro.

“Zvinotsamwisa zvikuru kuti hurumende yevanhu vatema, hurumende inoti ndeyerusunguko, iri kufamba neZimAsset, iri kutadza kubhadhara vashandi vayo pazororo reKisimusi,” VaMajongwe vanodaro.

Vanoti zvinovashamisa kuti hurumende iri kutadza kubhadhara vashandi vayo, asi iyo ichiita mabiko nekutenga dzimotokari dzinodhura.

Hurumende yakazivisa kare kuti zvinhu zviri kuiremera kuti iwane mihoro pamwe nemari dzebhonasi.

VaMajongwe vanoti vanoshorawo sangano rinofanirwa kunge richimirira vashandi vehurumende, reApex Council, iro vanoti harisi kuita zvikuru mukurwira kodzero dzevashandi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG