Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vochemachema neNyaya yeBhonasi


Vashandi vehurumende vanoti havasi kuziva kuti vachawana mari dzavo dzemabhonasi riini
Vashandi vehurumende vanoti havasi kuziva kuti vachawana mari dzavo dzemabhonasi riini

Zvinhu zvinonzi hazvichina kumira zvakanaka muvashandi vehuruemende zvichitevera kukundikana kwehurumende kuvazivisa kuti vachawana mari dzemabhonasi riini

Zvinhu zvinonzi hazvichina kumira zvakanaka muvashandi vehuruemende zvichitevera kukundikana kwehurumende kuvazivisa kuti vachawana mari dzemabhonasi riini.

Zvinonzi mauto awana mari dzemihoro neChipiri, asi pasina mari dzemabhonasi, idzo vakakundikana zvakare kuwana mwedzi wapera.

Vamwe vashandi vehurumende vataura neStudio 7 vasingadi kudomwa nemazita avo vati mauto ashamisika zvakare kuenda kumabhanga vachiwana mari idzi dzisina kuiswa pamihoro yavo.

Mwedzi wapera mauto, ayo anotanga kutambira mari muvashandi vehurumende vose, akakundikana zvakare kuwana mabhonasi awo, vakazovimbiswa kuti vaiwana mari idzi mumabhanga avo chero nguva, izvo zvisina kuitika.

Hurumende yakanga yazivisa kuti yaizopa vashandi vayo mabhonasi muzvikwata zvikwata asi isina kutaura kuti kutanga mwedzi upi.

Varairidzi ndevamwe vevashandi vehurumende vanga vachichemawo kuhurumende kuti izivise mazuva achatambirwa mabhonasi aya.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Asi sachigaro weApex Council, VaRichard Gundani, vanoti kunyange vachinyunyuta zvavo nekunonoka kupiwa mari dzemabhonasi idzi, vachakabatira pavimbiso yehurumende yekuti vachawana mari idzi.

“Takavimbiswa nemukuru wenyika kuti bhonasi iriko, saka isu tichangomira neshoko iroro,” VaGundani vanodaro.

Asi vanoti vanofanirwa kuita musangano wechimbichimbi navo kuti vajekeserwe kuti mari idzi dzinouya riini.

Christmas yave pedyo, vamwe vashandi vehurumende varimi uye vamwe vakatotsvagira vana vavo nzvimbo dze Form One, vanoda mari.”

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rinotiwo kana mamwe makambani anoshandirwa nenhengo dzaro haasi kukwanisawo kubhadhara mabhonasi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG