Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvakabuda munyika zvichinotsvaga mafuro manyoro munyika dzakapoteredza Zimbabwe, zviine tarisiro yekuti zvinhu zvichakasika kunaka kumusha zvodzokera.
Asi tarisiro iyi inenge yaramba chave chiroto chisingabatiki, izvo zvoita kuti vamwe vakaita saVaLovejoy Chinhema, avo vari kuMaputo, kuMozambique, vatange mabhindauko anopa raramo.
VaChinhema vanoti vakabatana nevamwe vana veZimbabwe vakavhura zvitoro zvinotengesa zvinhu zvakasiyanasiyana zvinosanganisira mbatya nemagumbeze.
VaChinhema vanoti ivo nevamwe vavo vatanhatu vanotenga zvinhu kuSouth Africa neSwaziland zvavanozotengesa kuMozambique.
VaChiinhema vanoti vane vashandi vavakatopinzawo mabasa vanove zvakare vana veZimbabwe.
Asi VaChinhema vanoti kudhonha kwemari yekuSouth Africa kwakambozunguza bhizimusi ravo zvishoma sezvo vakanga vasisakwanisi kunotenga zvinhu zvemuzvitoro zvavo kuZimbabwe nekuti mari yekuAmerica inonzi ndiyo iri kunyanyodiwa muZimbabwe yakange yave nesimba rakanyanya.
Asi vanoti vari kukwanisa zvavo kuraramisa mhuri dzavo zvichienzaniswa nekunge dai vari kumusha.
“Tinonyanyohodha ma duvet nembatya zvinozotengeswa mumarukisheni nevanhu vatakapawo mabasa,” VaChinhema vanodaro.
Vanoti madzimai avo kumusha akasara achiitawo mabhindauko ekusona mbatya dzekutengesa.
Asi vanoti chishuvo chavo chikuru ndechekuti dai zvinhu zvakasika kunaka kuitira kuti vadzokere kumusha.