Accessibility links

Breaking News

Kudzingana muZanu PF Kwokonzera Kusagadzikana


Kupinda mudariro rezvematongerwo enyika kwaAmai Grace Mugabe kunonzi kwakonzeresa kusagadzikana muZanu PF
Kupinda mudariro rezvematongerwo enyika kwaAmai Grace Mugabe kunonzi kwakonzeresa kusagadzikana muZanu PF

Mapishapisha, kudzingana pamwe nekumbomisana kuve nhengo mubato reZanu PF zviri kuramba zvichienderera mberi panguva iyo bato iri riri kuita musangano waro wepagore, izvo zvinonzi nevakawanda zvichasiya bato iri risisina kusimba sezvaraive kare.

Svondo rino chete bato iri rakurudzira kuti nhengo shanu dzinoti Amai Monica Mutsvangwa, Amai Esphinah Nhari, vaimbowe gurukota muhofisi yevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika vakazodzingwa mubato, Amai Joice Mujuru, VaSylvester Nguni, VaChristwell Mutematsaka pamwe naVaBatsirai Musona.

Vamwewo ndivo vambomiswa kuve nhengo kwemakore ari pakati pemaviri nemashanu.

Vanhu ava vari kupomerwa mhosva dzakasiyana siyana dzinosanganisira kuramba vachidyidzana nechikwata chaAmai Mujuru, kuzvidza hutungamiri, zvikuru mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe pamwe nekuda kutsemura bato nepakati.

Zvisungo pamusoro pevanhu vanzi vadzingwe ava zvinozobuda kumusangano wepagore webato iri uri kutanga neChishanu kuVictoria Falls.

Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kubva pakadzingwa Amai Mujuru nevamwe vanosanganisira VaRugare Gumbo naVaDydimus Mutasa, chigero chebato iri hachina kumira kushanda, asi vanotyira kuti chichacheka zvose nejira rine basa.

NeChitatu kumusangano weCentral Committee yebato reZanu PF, VaMugabe vanonzi vakakurudzira kuti kudzingana kuite kushoma vachiti kunokanganisa budiriro yebato.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti havaoni mashoko aya achiteererwa sezvo mudzimai waivo VaMugabe ari mumwe wevari pamberi mukuona kuti vamwe vadzingwa mubato.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Doctor Takavafira Zhou, vanoti bato reZanu PF rapindwa napongwe, uye mukuru webato iri aisimboonekwa seakachenjera zvikuru, VaMugabe, vanenge vakura.

“Saka VaMugabe vave kunetseka manje kuti vakwanise kunge vari ivo vanotungamirira chete nekuti kune vamwewo vave kungoendawo mberi vachiti zvatinoita takatumwa naVaMugabe, handifungi kuti vanenge vakatumwa naVaMugabe ini,” VaZhou vanodaro.

VaZhou vanoti vanowirirana nevane maonero ekuti kudzingana kuri kuitika mubato iri kwakanangana nevanofungidzirwa kuti vanotsigira mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

“Asiwo naivowo VaMnangagwa vacho vanenge vasingaoniwo politics, ndivo vaive mberi kudzinga vanhu vanobva kuma province kwavanobva, ndivo vanga vari mberi kudzinga vana VaRugare Gumbo, vana Machaya, ndivo vanga vari mberi kudzinga vana VaDzikamai Mavhaire, vana VaMakova.

“Saka VaMnangagwa vasara pabani, vasinawo vanhu vanoti kana vachizodawo kuve president vanovasapota vanobva kumusha kwavo.”

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaChamu Madiridze, avo vari kuCape Town kuSouth Africa vanoti dambudziko rose iri riri kukonzerwa nenyaya yekuti VaMugabe havasi kubuda pachena panyaya yekuti ndiyani achavatsiva kana vasiya chigaro.

“Mubato reZanu PF makanonoka kuita iya yatinoti leadership change, saka izvi zvave kukonzera kuti muite dongawatonga,” VaMadiridze vanodaro.

Vanoti nyaya iyoyi ndiyo yaita kuti mubato iri rite mapoka mapoka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG