Accessibility links

Breaking News

ZLHR Yoronga Kucherechedza Zuva reKodzero dzeVanhu neMusi weChina


zlhr
zlhr

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, rinoti richabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhu, reHuman Rights Day nemusi weChina svondo rino.

Mutauriri weZHLR, VaKumbirai Mafunda, vanoti sangano ravo rakabatana nerimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights NGO Forum vane zvirongwa zvakati kuti zvakatara pazuva iri.

Asi VaMafunda vanoti chirongwa chikuru chavanacho ndechenhauro pamusoro pekutarisisa mabatirwo ari kuitwa bumbiro remitemo idzva nehurumende, iyo ichakokerwa neVaDeprose Muchena avo vanoshanda neAmnesty International.

Vanoti vachakurukura nehurumende kuburikidza neboka reZimbabwe Human Rights Commission iro vavakokawo pamwe chete neProsecuting Authority.

Zuva reHuman Rights Day iri riri kunanganawo nekusvitsa mwedzi mipfumbamwe mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, avo vapambwa ndokutsakatika mwedzi mipfumbamwe yapfuura.

Apo nyika dzepasi rose dzichange dzichicherechedza zuva rekodzero dzevanhu nemusi weChina, vechidiki vemuZimbabwe vari kuchemachema kuti kodzero dzavo hadzisi kuremekedzwa nehurumende yeZanu PF.

Munyori mukuru wesangano reUnited Nations, VaBan ki Moon, vanoti veruzhinji vanofanirwa kutora mukana uyu kuzvipira mukuremekedza pamwe nekukoshesa kodzero dzevechidiki.

Vanotiwo kutsakatika kwaVaItai Dzamara kuri kuvatyisa uye kunoratidza kuti Zimbabwe haisi kuremekedza kodzero dzevanhu.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaKennedy Masiye, vanoti sevechidiki vemunyika hurumende haisati yasvika pachinhanho chekuti sevechidiki hurumende yacho yakamira papi munyaya dzekodzero dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG