Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vodyira Marasha Makanzura Ari Kuita Huori


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakomekedza kuti dunhu reHarare rebato ravo riumbe komisheni ichaongorora makanzura eguta reHarare ari kupomerwa mhosva dzehuwori.

Gwaro raburitswa nebato iri, iro rasainwa nemunyori anoona nezvekutongwa kwematunhu, VaEddie Cross, rinoti zvipomerwa zvakaburitswa nebepanhau re Herald kumakanzura ebato ravo pamwe neveZanu PF zvinhu zvinofanirwa kutarisiswa, izvo zvazoita kuti VaTsvangirai vati komisheni inenge yaumbwa iyi ifanirwe kudzoka kwavari mukati memazuva gumi nemana nezvainenge yawana.

Gwaro iri rinoti kana komisheni iyi yaburitsa zvainenge yawana, bato richazotora matanho akakodzera.

Danho reMDC-T iri rinotevera kusungwa kwemakanzura matatu achipomerwa mhosva yekuba mari inoita zviuru makumi manomwe zvemadhora kubva ku Harare Municipal Medical Aid Society pamwe nekuzvipa masitendi ekuvakira dzimba.

Mutauriri webato iri, Va Obert Gutu, vanoti bato ravo harikurudziri huori, nokudaro wese anowanikwa aine mhosva yehuori acharangwa nemitemo yebato.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vakafanobata chigaro chemutauriri webato rePeople’s Democratic Party, VaJacob Mafume, vanoti sebato vanoshushikana zvikuru nehuwori huri kuitika mukanzuru yeguta reHarare.

VaMafume vanoti guta ratadza kusimuka nekuda kwehuwori hwavanoti huri kuitwa nemakurukota ehurumende yeZanu PF pamwe nemakanzura e MDC-T.

VaMafume vanoti havaone komisheni iyi ichiita zvine musoro sezvo makomisheni anoumbwa muMDC-T asina zvine musoro zvaanobuda nazvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG