Accessibility links

Breaking News

Mapositori Onyunyuta neDanho Riri Kuda Kutorwa neKanzuru yeHarare

Harare city
Harare city

Sangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe rinoti rinoshushikana nehurongwa hwarinonzwa kuti huri kuda kuitwa nekanzuru yeguta reHarare, hwekurambidza kana kutara nguva yekuti vanhu vanamatire munzvimbo dzisina zvivakwa, uyewo kurambidza nyaya dzeruzha.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano iri, Doctor Joseph Paganga, vanoti vanofunga kuti ivowo sesangano rine nhengo dzechipositori dzinoungana dzichinamatira munzvimbo dzakasiyanasiyana muguta iri, zvakanga zvakakosha zvikuru kuti kanzuru inzwewo pfungwa dzavo isati yatora matanho.

Doctor Paganga vanoti sesangano vakatonyorera kukanzuru vachinyunyutawo nekusapiwa mukana. Kanzuru inonzi iri kuronga kudzika mitemo iyi kana kuti ma council by-laws anonzi naVaPaganga anombunyikidza kodzero dzevanhu sezviri mubumbiro remitemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG