Pastor Patrick Phillip Mugadza, avo vakasungwa neChishanu chapfuura mushure mekuratidzira kuVictoria Falls, vachiri muhusungwa mushure mekukundikana kuunganidza mari yechibatiso yakatarwa nedare.
Mutongi wedare ramejasitiriti kuVictoria Falls, Amai Lindiwe Maphosa, neChipiri vakazotara madhora mazana mashanu semari inofanirwa kubhadharwa naVaMugadza kuti vakwanise kutongwa vari kunze.
Pastor Mugadza, vanove mukuru weRemnant Church iri kuKariba, vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuita zvisina maturo kana kuti criminal nuisance, vachinzi vakatyora Section 46 of Criminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23.
Mfundisi ava vakasungwa mushure mekunge varatidzira kumusangano wepagore weZanu PF vaine chinyorwa chakanzi “Mr President The People Are Suffering, Proverbs 21.13”.
Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, iro riri kumirira mufundisi uyu, rinoshora zvikuru kumbunyikidzwa kwekodzero dzaPastor Mugadza.
Mutauriri wesangano iri, VaKumbirai Mafunda, vanoti bumbiro remitemo idzva rinobvumidza munhu kuita sezvakaitwa naPastor Mugadza pamwe naVaItai Dzamara, avo vaikurudzirawo VaMugabe kuti vasiye chigaro.
VaMafunda vanoti gweta riri kumirira Pastor Mugadza, VaThulani Nkala veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vave kuronga kukwira kumatare makuru kuti atarisisewo nezvenyaya iyi.
VaDzamara vairatidzirawo vari muAfrica Unity Square vachikurudzira kuti VaMugabe vasiye basa vachiti vari kutadza kutonga.
Asi vakazotsakatika mushure mekupambwa nevanhu vasingazivikanwi musi wa 9 Kurume wegore rino.
Pastor Mugadza vakanzi vadzoke zvakare kudare nemusi wa 5 Ndira 2016.