Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu vanoti vatumirwawo mifananidzo yezvinhu zvaparadzwa zvinosanganisira mahwindo emuzinda uyu, chikwangwari chekuratidza kuti ndipo pamahofisi ebato iri, pamwe nemagonhi.
VaChitate vanonzi vakadonha vachibva vashaya mushure mekunge vachangopedza kutaura pagungano rekurangarira imwe nhengo yebato ravo yakashaya masvondo adarika.
Zvinonzi vamwe vakuru-vakuru muMDC-T vasiri kuwirirana nepfungwa yekupinda mumubatanidzwa uyu vari kuudza nhengo dzebato iri mumatunhu kuti dzisatambira pfungwa yemubatanidzwa, izvo zvinonzi zvave kuita kuti mamwe mapato ari mumubatanidzwa apererwe nezano.
Vechidi vatatu vebato reMDC-T kuWard 10 kuMarondera West vanoti vakarwiswa vakakuvadzwa zvakaipa musi wezororo reKisimusi mushure mekurwiswa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kurumbidzwa zvikuru nekubatsira kuti nyika isagwadama munyaya dzezveupfumi kuburikidza nemari yazvinotumira kumusha, iyo iri kuraramisa mhuri dzakawanda munguva yekuoma kwezvinhu kudai.
Sarudzo dzapfuura dzanga dzichikanganiswa nemhirizhonga iyo yaipomerwa vemapato ezvematongerwo enyika, zvikuru bato riri kutonga reZanu PF.
Kukwirawo kwemitengo yezvinhu zvakawanda zvinodiwa nevanhu zuva nezuva ndechimwe chezvinhu zvinonziwo zvakakonzera kuti Kisimusi yegore rino ibva yanyanya kudzikira kana zvichienzaniswa nemamwe makore.
Kunyange hazvo nyika yacherechedza chibvumirano chekubatana chakanyoreranwa pakati peZanu PF nePF Zapu musi wa22 Zvita mugore ra1987, veruzhinji vacherechedza zororo iri nenzira dzakasiyana-siyana.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kubva kunze kwenyika vachishandisa miganhu ye Beitbridge kuSouth Africa nePlumtree kudivi reBotswana zvinonzi zvanga zvakazara kumiganhu iyi zvichiedza kuti zvipinde munyika munguva ino yezororo.
Chirongwa chekunyoresa vanhu kuvhota boka rinoona nezvesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, richipinda muvanhu chapera munyika yose paine vanhu vanosvika 4 630,095 vakanga vanyoresa kuvhota pakupera kwezuva musi weMuvhuro.
Sangano revakarwa hondo yerusunguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association rinonzi harisi kufara nekwarinoona sekusaremekedzwa kwechibvumirano cherunyararo chakanyoreranwa pakati peZanu PF nePF Zapu muna 1987.
Masangano akazvimirira pamwe nemapato anopikisa vari kukurudzira boka reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti iwedzere nguva yekunyoresa kwevanhu kuti vakwanise kuzovhota musarudzo dzegore rinouya.
Zvisungo zvitatu zvinoti kutambirwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri webato, kupa VaMnangagwa masimba ekumirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya uye kutambira zvisungo zveCentral Committee zvakaitwa musi wa19 Mbudzi ndizvo zvinonzi zvichazeyiwa.
Rimwe remapato ari kushoropodza danho rakatorwa nemubatanidzwa weMDC Alliance rekuenda kuAmerica kunomira pamberi pedare rekongiresi, ibato reNCA rinotungamirirwa naProfessor Lovemore Madhuku.
Komiti yekongiresi iyi yakazivisa kuti hapana zvikuru zvichashandurwa iye zvino kusvika paonekwa kuti hurumende yaVaMnangagwa yakananga gwara ripi.
Hurumende yeAmerica inoti iri kutevera zvakadzama mafambiro ezvinhu muZimbabwe zvichitevera kusiya basa kwevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe vachitsiviwa nevaimbove mutewedzeri wavo, VaEmmerson Mnangagwa.
Mabhanga emunyika akazivisa neChishanu chapfuura kuti ave kuzotambira sechibatiso chekuti murimi akwerete mari zvibvumirano zvekushandisa minda zvemakore makumi mapfumambwe nemapfumbamwe zvakapiwa kuvarimi vakagariswa patsva nehurumende.
Chikwata ichi chinonzi chiri kutarisirwawo kusangana nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, uye kuendawo kune dzimwe nyika dzinosanganisira Ethiopia, neBritain.
Boka rinotungamira sarudzo munyika, reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rinoti rakakwanisa kunyoresa vanhu vanodarika mamiriyoni mana kusvika mukupera kwezuva musi weSvondo, 10 Zvita 2017.
Rodhai zvimwe